More
    HomeChaminukaVanhu vanodarika mazana mapfumbamwe vakasungirwa kutora zvinodhaka

    Vanhu vanodarika mazana mapfumbamwe vakasungirwa kutora zvinodhaka

    Published on

    spot_img

    MARONDERA- Dunhu reMashonaland East rave kusimbaradza danho rehondo
    yekurwisana nekutorwa kana kutengeswa kwezvinodhaka iro riri kutsviriridza
    munzvimbo dzakasiyanasiyana siyana munyika.

    Izvi zviri kuitika panguva iyo vanhu vanosvika kumazana mapfumbamwe nemakumi
    mashanu ane matanhatu vakasungirwa zvinodhaka zvisiri pamutemo pamwewo
    nedzimwe mhosva dzinosanganisira kutengeswa zvinodhaka kana kupara mhosva
    dzinokonzerwa kana munhu achinge anwa, kuputa kana kufemba zvinodhaka.

    Svondo rakapera, pakaitwa chenjedzo dzinoyambira kuti vanhu, zvikuru sei vechidiki, vasiyane
    nezvinodhaka sezvo zvichivakanganisa hutano uyo kuvakwezvera mukupara mhosva.

    Pachirongwa chechenjedzo ichi, vanhu vanosanganisira vemapazi ehurumende akasiyana siyana,
    vechidiki pamwe nevemasangano akazvimiririra vakafamba kubva pakati pedhorobha reMarondera
    vakananga kunhandare yeRudhaka uko kwakaturwa mashoko eyambiro pamwe nekuitwa mitambo ine
    dingindira rekushoropodza kutorwa kwezvinodhaka.

    Gurukota rinoona nezvekusimudzirwa pamwe nekufambiswa kwemabasa mudunhu reMashonaland
    East, Dr Aplonia Munzverengwi avo vainge vakamirirwa namudzviti weMarondera
    Clemence Masawi vakati zvakakosha kuti mapazi ose eHurumende pamwe
    neakazvimirira arambe achishandidzana mukurwisana nedambudziko rekutorwa
    kwezvinodhaka iro riri kukonzeresa matambudziko munharaunda.

    Vakati: "Nhengo dzekomiti yedu yakaumbwa kuti ipote ichipa mazano pamwe nekutungamira
    muzvirongwa zvekurwisana nenyaya yekutorwa kwezvinodhaka dziri kugara dzichiita misangano yadzo.
    Misangano iyi inonzvera ziviso dzinosanganisira kutengeswa kunoitwa zvinodhaka, kushata kwazvakaita,
    kubatsirwa kwevakavhiringika mushure mekutora zvinodhaka uye matanho angatorwe kuti tipedze
    hosha yekutorwa kwezvinodhaka iyi.

    "Mapurisa edu anogara achiferefeta mhosva dzine chekuita nenhau yekutorwa kwezvinodhaka
    kunyanya kuHwedza, Murehwa, Chikomba pamwe Marondera uko nyaya idzi
    dzakanyanya kutekekeshera. Kushanda kwavo kwakaita kuti vasunge uye kuendesa
    kumatare edzimhosva vanhu vanosvika kumazana mapfumbamwe ane makumi
    mashanu ane matanhatu pakati pemwedzi yaGunyana naGumiguru.
    "Gore rakapera mukati menguva imwecheteyo, pakaparwa mhosva dzinosvika
    kumazana mashanu ane makumi maviri nematatu. Izvi zvinoratidza kuti mhosva dzine
    chekuita nekutorwa kwezvinodhaka dziri kuramba dzichiwanda uye panoda chenjedzo
    yakasimba kuti tikunde muhondo iyi."

    KwaMurehwa kunova imwe yenzvimbo dzanetsa panyaya yekutorwa kwezvinodhaka,
    mapurisa akaita chirongwa chavaiti Operation Clean-Up Murehwa icho chakabatsira
    kuti vapekeshe ndokuwana zvinodhaka zvisiri pamutemo zvinosanganisira crystal meth,
    dagga, broncleer, benylyn, histalix, cordain, musombodhiya netegu-tegu, pakati
    pezvimwe zvakatsaukana.
    “Pamusoro pezvakaitwa kwaMurehwa izvi, ndaudzwa kuti tine dambudziko guru
    muMarondera umo tine nzvimbo dzakaita seDombotombo uko kwanetsa nenyaya
    yekutengeswa uye kuputwa kwezvinodhaka. Ndinoda kupa kurudziro kumapurisa edu
    nemamwe mapazi anobataira mukuchengetedza nyika kuti vabate vari kutengesa
    zvinodhaka vose vopihwa mitongo inoita kuti vose vane mifungo yekuda kutengesa
    kana vari kutengesa zvinodhaka vapfire pasi tsika iyi.
    "Vose vari munhau dzine chekuita nekutorwa kwezvinodhaka vanofanirwa kudomwa
    vofumurwa pajekere,” Dr Munzverengwi vakadaro.
    Vaimbove Mayor wedhorobha reMarondera, VaAlbert Nyakarombo vakatsinhira mashoko
    aDr Munzverengwi vakatiwo vabereki vanofanirwa kugara vachiongorora mafambiro
    uye hunhu hwevana vavo kuitira kuti vazvione kana vachinge vangotanga kutora
    zvinodhaka.
    Vakati: “Kutorwa kwezvinodhaka kuri kukanganisa hutano hwevana vedu uye vamwe
    vacho vari kutorasika njere. Ngatigarei tichiongorora mafambiro avo kudzimba uko
    tobatsirana neHurumende muhondo yekurwisana nekutorwa kwezvinodhaka iyo yave
    dambudziko guru munyika."

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!