More
    HomeMasvingo StarVatapi venhau vokurudzirwa kusimudza nhauraunda dziri pasi

    Vatapi venhau vokurudzirwa kusimudza nhauraunda dziri pasi

    Published on

    spot_img

    NaSharon Chimenya

    VATORI venhau munyika vakakururudzirwa kuti vape mukana pakutepfenyura nekutora nhau kune matunhu awo anoita seakasarira sure nechinangwa chekupfuudza mberi donzvo rebudirriro.

    Vachitaura vakamiririrwa naVaGeorge Chisoko, avo vanova mukuru wezve nhepfenyuro dze nhau (Media Services), pamusangano weUN-Media Seminar on Development Reporting svondo rapera, munyori mukuru we zvenhepfenyuro, kushambadzira nezvemasaisai, VaNick Mangwana, vakati vezvenhau vanoita basa guru mukusimudzira chirongwa cheSustainable Development Agenda.

    Vakati basa rezvekuburitswa kwemashoko nderekuburitsa pachena matambudziko akatarisana nevanhu vemunharaunda uye kuongorora zvikanganiso zvirikuitwa muzvirongwa zvebudiriro.

    “Vatori venhau vane basa rakakosha rekupa mukana kumapoka enharaunda asinganyatsomirirHi kuti anzwikwe. Tinofanira kuyeuka kuti budiriro inongova budiriro kana ichibatanidza matunhu ose. Naizvozvo, zvakakosha kuti vezvenhau vanofanira kuburitsa pachena matambudziko evanhu vedu uye zvinonetsa, kuitira kuti Hurumende ichizogadzirisa.”

    “Izvi zviri kuzadzikisa chidiso chemutungamiri wenyika Va E D Mnangagwa, chekuti vasasiya vanhu kana nzvimbo kumashure. Nenzira imwecheteyo, ndinokurudzira vezvenhau kuti vasimudzire kuvandudzwa kwematunhu kwakaenzana. Nyika inovakwa nevene vayo.”

    Vakati vatori venhau vanoshanda senharirire inorida pito kuti maziso ose aende pakuona zvakakosha zvezviri kuitika munyika. Vezvenhau vanoshanda sevachengeti vanokwanisa kuridza chiridzwa kuti vanhu vafunge nezvenyaya dzakakomba dzenyika.

    “Vatori venhau vanoita basa mukuongorora kufambira mberi kweHurumende mukubudirira kwezvinangwa zveSustainable Development Goals. Izvi zvinoda kuti vezvenhau vatevere kufambira mberi pazvirongwa zveNDS1 zviri kuitwa neHurumende muzvikamu zvakasiyana-siyana. Munyaya imwecheteyo, vezvenhau vanofanira kuongorora uye kushuma pamusoro pekugadzirisa chero zvikanganiso munyaya dzebudiriro. Izvi zvinobatsira kuti vatungamiriri vedu, neavo vanoita zvirongwa vazvidavirire.”

    New Ziana

    Latest articles

    City of Harare cuts business licence fees by half, move expected to create revenue gap

    Harare, (New Ziana)-The Harare City Council has announced a 50 percent reduction in business...

    Mat South province’s economic fortunes brighten

    Harare, (New Ziana) - Matabeleland South Province is fast transforming into a hub of...

    Bus crash claim six lives

    Harare, (New Ziana) – Tragedy struck at dawn along the Harare–Mukumbura highway on Thursday...

    Weighbridges for Bulawayo-Victoria Falls highway on cards

    UMGUZA,  (New Ziana) – Government will soon construct weighbridges at toll gates along the...

    More like this

    City of Harare cuts business licence fees by half, move expected to create revenue gap

    Harare, (New Ziana)-The Harare City Council has announced a 50 percent reduction in business...

    Mat South province’s economic fortunes brighten

    Harare, (New Ziana) - Matabeleland South Province is fast transforming into a hub of...

    Bus crash claim six lives

    Harare, (New Ziana) – Tragedy struck at dawn along the Harare–Mukumbura highway on Thursday...
    error: Content is protected !!