More
    HomeAgricultureVemumadhorobha Votarisira Pfumvudza

    Vemumadhorobha Votarisira Pfumvudza

    Published on

    spot_img

    CHEGUTU – VARIMI veminda midiki mumadhorobha anoti Kadoma neChegutu
    varimushishi kugadzira minda sezvinodiwa nevarimisi kuitira kuti vawanewo mbeu,
    fotereza nemishonga yesora uye zvipukanana pachapiwa zvekurimisa
    zvePfumvudza.

    Sekutaurwa kwazvakaitwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa,
    munhu wese ane zvinodiwa anofanira kuti awane zviwanikwa zvePfumvudza.
    Mumwe murimisi muChegutu akaudza varimi kuti pasipoti yekuwana Pfumvudza
    ndiye murimi pachake.

    Pasipoti yekuti uwane Pfumvudza ndiwe pachako. Kana ukangoteedzera zvinodiwa
    chete, unowana. Saka, chekutanga kugadzira ndima dzenyu mobva machera
    makomba enyu zvine mwero, mobva maisa gumbeze (mulch), mangodaro chete
    matopinda, akadaro murimisi Pardon Marumahoko.

    Marumahoko akayeuchidza varimi kuti kune vanhu vachatenderera vachitarisa
    vakaita basa zvomene vobva vatonyorwa mazita avo pane avo vachapihwa. Anenge
    akaita zvakewo anenge atofoira otomirira mwaka unotevera.

    Murimi oga oga akutarisirwa kuwana fotoreza yeCompound D neAmonium Nitrate
    zvingaita mbeu uye mishonga inoenderana nechindima chimwechete.

    MuKadoma varimi vaishena shena kwazvo muminda kunyanya pakanaya mvura
    panguva yapera. Mvura yakapa vanhu vazhinji kuti vamhanye muminda
    kunogadzirira.Vamwe vainge vakatopedza zvavo kugadzira vakatodyara zvokuti
    mumera wavo watova nemashizha matatu kana mana.

    Revai Katumba, akati haana kumboteerera zviya zvekuti vanhu vambomira kudyara
    nekuti mvura yainge isati yatanga.

    "Ini ndakadyara nemvura iyo iya yekutanga. Chibage changu chakatobuda
    zvakanaka chose, chatova nemashizha matatu zvokuti painodzoka mvura
    ndakutoisa AN. Hapana paichaita mwedzi isina kunaya, saka chibage changu
    hachimbofa nezuva," akadaro Katumba.

    Mbuya Sosana Muyambo vakati Pfumvudza vakaimirira nekuti ndiyo mbeu chete
    yavanogona kuwana nekuti muzvitoro zvembeu hamuchapindika.

    "Hapana chandinopindira muzvitoro zvembeu nekuti mari yekutenga mbeu yacho
    handina, saka ndinotomirira iyoyi yeHurumende. Munda ndakapedza kugadzira
    ndangomirira Pfumvudza," vakadaro Mbuya Muyambo.

    Hurumende yakatsidza kuti ichapa Pfumvudza kuna ani naani zvake anokodzera
    zvisinei nekuti munhu ndewe bato ripi rezvematongerwo enyika. Gore rapera varimi
    vazhinji kwazvo vemumadhorobha vakawana Pfumvudza, vamwe ndokutowana
    pundutso kubva ipapo nanhasi vari kuguta.

    Vamwewo vakawana zviwanikwa zvePfumvudza ndivo vakatengesa zvinova
    zvinodzosera zvirongwa zveHurumende mumashure. Kune vamwe vashandi
    veHurumende vainge varimowo muurongwa hwegovera zviwanikwa izvi
    vakasungwa nekuda kwekuba.

    Fotoreza inosvika matani makumi mapfumbamwe (90 tonnes) inonzi yakabiwa
    pamwaka wapera nembavha dzisina tsitsi neruzhinji rwevanhu.

    Latest articles

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    Historic G20 Summit in South Africa Charts Path for Inclusive Global Growth -Zim Govt

    ‎Harare, (New Ziana)— The G20 Summit in South Africa concluded on Monday, marking...

    High Court grants bail to ex-Gweru councillor Simbi, wife

    Staff Reporter GWERU – The Masvingo High Court has granted former Gweru councillor Charles Simbi...

    More like this

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    Historic G20 Summit in South Africa Charts Path for Inclusive Global Growth -Zim Govt

    ‎Harare, (New Ziana)— The G20 Summit in South Africa concluded on Monday, marking...
    error: Content is protected !!