Murume ane makore makumi maviri nematatu (23) okuberekwa akafa mushure mokutemwa nedemo nechikomba chomukadzi waaidanana naye apo vainwa doro panzvimbo yeMabhizimusi yokuMasase mudunhu raShe Mutevaidze kuMberengwa.
Anotaura akamirira mapurisa muMidlands, Inisipekita Emmanuel Mahoko vakati izvi zvakaitika musi wa15 Gumiguru panguva dzingangoita 4 masikati. Zvinonzi mushakabvu Prince Ncube anobva mubhuku rokwaDugwe pasi paShe Bangwe kuMberengwa, ainwa doro pabhawa rimwe chete naAnelle Sithole uyo ari kupomerwa mhosva yokumuuraya vatadza kunzwisisana pamusoro pemukadzi wavaidanana naye vose vari vaviri.
Vaviri ava vakambobuda mubhawa kuti vaedze kugadzirisana ndokudzoka mushure memaminitsi mashoma.
Vachangopinda mubhawa, Sithole akasvasvamhira demo raakanga akaviga pasi pebhenji achibva atema Ncube kamwe chete panzeve yokuruboshwe nepamutsipa ndiye ware kutiza achibva pabhawa apa.
Vanhu vaivepo vakaedza kubatsira Ncube nokumhanya naye kuchipatara cheMasase. VepaMasase vakabva vati aendeswe kuchipatara cheGwanda. Sezvineiwo, Ncube akabva afa achiri munzira.
Nyaya yakamhan’arwa kumapurisa, Sithole akabva asungwa. Mutumbi waNcube uri muchipatara cheMasase umo wakamirira kuongororwa nanachiremba kuti vaone chakakonzera kufa kwake.
Inisipekita Emmanuel Mahoko vakati, “Mapurisa ari kukumbirisazve voruzhinji kuti vagadzirise makakatanwa murunyararo kwete kuita zvemhirizhonga. Mhirizhonga imhosva uye inokonzera kurasikirwa neupenyu”.
Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National Language Institute










