MAGUNJE – Varimi vechirongwa chePfumvudza havasi kufara nekunonoka kupihwa mbeu
nefotereza izvo zvavadzosera kumashure nokuti vaive vapinda bishi pakuchera makomba kare.
KuMagunje, varimi varikuchema-chema nezvikonzero zvinoti, kunonoka kuuya kwembeu
uyezve kuti payakazouya varimi vashoma vakaiwana nokuti yakauya iri shoma.
Umwe murimi anonzi Joshua Zhakata akaudza Telegraph kuti: "Mbeu yePfumvudza yakanonoka
kuuya, patakazopihwa taive tatochera makomba kare tatodyara chibage chemudura,
yePfumvudza takatarisira kuchitanga kuidzvara."
Vakatsanangura kuti izvi zvinodzosera goho kumashure uye sevarimi vanoshandiswa
semadhongi vachizokorora kuita basa rimwechete nokuti makomba akanaiwa anovharika, apa
musina chakadzvarwa.
"Zvakatikanganisa nekuti mvura yakatanga kunaya mbeu isati yauya makomba anofutsirwa, sora
romera. Pakudzvara tiri kutotanga tafukunura makomba acho zvakare zvinova zvinhu
zvinorwadza nekudzorera mweya wekushanda kumashure."
Vakakumbira kuti kana mbeu ichiuya inofanira kuuya mvura isati yanaya nekuti makomba
haafaniri kunaiwa asina chinhu.
Talent Dhina akabatikana nekuti kunyangwe mbeu yakanonoka kuuya, payakazouya pacho yaive
iri shoma zvekuti vanhu vazhinji havana kukwanisa kuwana.
"Munhu akawana fotereza chete anodzvara chirudziyi, ipapa vakati vachadzoka asi hatizivi kuti
vachadzoka rinhi. Mbeu yacho ikauya kwatove kutanga kuchera makomba zvakare.
"Ndizvo zvinozokonzera kuti vanhu vazongozvipira kutara negejo pavanopihwa mbeu yacho,
nekuti munhu haungacheri makomba kaviri," akadaro Dhina.
Varimi vanonzi vaipihwa saga rimwechete refotereza, nechitsapo chembeu yechibage
makirogiremu gumi, vamwe vaiwana mashanu etevera zuva (sunflower), vamwe vachiwana
gumi esoya beans.
Zvisinei vairwadziwa nekuti vamwe vaiwana fotereza chete pasina mbeu, saka hapana kudzvara
kwavaikwanisa kuita.
Beula Zhakata mwana waJoshua Zhakata anorima kubindu rakewo oga akati "Mbeu yaipihwa
pachena pasina huori asi dambudziko raive pakuti yakatongouya iri shoma. Takatomirira kuti
mbeu nefotereza zviuye nekukasika tikwanise kubatana vamwe vakatorima."


