NYANGA- Bazi rezvematunhu nemabasa eruzhinji rapa dhorobha reNyanga hurongwa hwekudomwa
kwekomiti yedhorobha pari zvino.
Mamwe madhorobha ari mudunhu reManicaland anoti Chipinge, Rusape neBuhera.
Mukuru weNyanga Rural District Council, Dr Zefania Jaravaza, vanoti dhorobha richasimudzira kukura
nebudiriro mudunhu kubudikidza nekanzuru ichaiisa hurongwa hwekuunganidza nekushandiswa
kwemari.
“Nekuuya kwekomiti yekanzuru yedhorobha, tarisiro yekuti pave nekusimudzirwa kwebudiriro pamwe
nekuvandudzwa kwemabasa pakati pezvimwe zvakanakira kutunhidzwa kwakadai. Hurongwa
hwehutungamiri hune mvumo yekuunganidza mari nekuishandisa munyika inozocherechedzwa,”
vakadaro.
Iri munzvimbo dziri kumabvazuva kweZimbabwe, Nyanga ine mahotera epamusoro-soro, nzvimbo
inochengeterwa mhuka nenzvimbo dzakasiyana siyana dzinokwezva vashanyi.
Dr Jaravaza vanoti Nyanga ine chipatara chedunhu, makiriniki maviri akazvimirira, muzinda wemapurisa
wedunhu nemapazi eHurumende akasiyana.
Zvivakwa zvitsva zvedhorobha zvichavakwa zvakaita senzvimbo yehurumende uye kukwidziridzwa
kwezviratidzo zvemumugwagwa, budiriro inotarisirwa kukwezva vamwe vanoisa mari.
Hurongwa hwekudomwa kwenhengo dzekuumba komiti yeTown Board huri kuenderera mberi.
Dr Jaravaza vanotiwo Nyanga Rural District Council yave kuzviriritira zvikuru nekuda kweindasitiri
yematanda nezvimwe zviwanikwa zvakawanda mudunhu iri.
Zvakadaro vakachema-chema nekusasvikika kwenzvimbo zhinji dzekutandarira mudhorobha uye
akakurudzira kuvandudzwa kwemigwagwa munzvimbo iyi kuitira kuti kufamba kunzvimbo
dzekutandarira kuve nyore kune vashanyi.