More
    HomeProvincial NewspapersZvakakosha kubatanidza vanhurume

    Zvakakosha kubatanidza vanhurume

    Published on

    spot_img

    CHINHOYI – ZVAKAKOSHA kubatanidza vanhurume mukuenzaniswa kwemikana
    nokuti pekutanga Mwari pavakasika vanhu vakati munhurume ndiye musoro, mukadzi
    ari mubatsiri.
    Naizvozvo vanhurume nevakomana ngava batanidzwewo mukuenzaniswa kwemikana
    vagodzidziswawo zvidzidzo zvinopindwa nevanhukadzi nevasikana vachibatwawo
    zvakaenzana.
    Vanhurume vazhinji vabva chimiro nekuda kwokushaiwa ruzivo rwakakwana,
    kunyangwe akatora mukadzi haagoni kumuchengeta. Vamwewo varume ndivo vakuita
    zvemutoriro nekuputa zvinodhaka, uye huori hwakura munyika zvakanyanyisa.
    Mumamashure mehurukuro dzakaitwa nevanhu vemunharaunda pakava
    nekubvumirana kuti zvakakosha kubatanidza vanhurume mukuenzaniswa kwemikana
    vagodzidziswawo zvidzizdo zvose zvinodzidziswa vanhukadzi kuti vago batsirikana
    muupenyu hwavo.
    District Development Officer, Fungayi Sadzi, akati vanhurume vakasasiiwa mudariro,
    vanogumbuka, vobva vazviona sevasina kukosha, vanobva vatadza kunzwisisa zviri
    kuitika vofunga kuti vave kurwiswa mhedzisiro vanenge voda kudzorerawo.
    “Ngapave nokuenzana kwakanaka nokuti tikatarisa vanhurume vane masimba ose
    pazvinhu zvakaita “sedecision-making”, uye vane “positive thinking” zvakare.
    “Varume ngavavewo muzvironga zvakasiyana siyana zvemadzimai nevasikana
    vagopihwawo zvigaro nemukana wokutungamirira mazviri, akadaro Sadzi.

    Sadzi akaenderera mberi achiti kana vanhurume vapinzwa muzvirongwa izvi zvinoita
    kuti vavewo nezvekuita muupenyu zvine musoro pane kuzopedzisira vave kungonwa
    nekuputa zvinodhaka.
    Lephart Phiri weku Cold Stream akati pachivanhu chedu takakura tichinzi murume
    haachemi , kashoma munhurume kugoverana nevamwe matambudziko ake, asi
    tikatarisa munharaunda yatigere kumapato akasiyana siyana akawanda ari kuitwa
    nevakadzi pamwe chete nevasikana vachidzidziswa zvinhu zvakaita seku zvimiririra,
    kuchengeta mari, nezvimwe zvakawanda wanda, tinoona pasina varume.
    “Tikatarisa zviri kuitika mazuva ano tiri kuona kuti nyaya dzekuzvisungirira kuvarume
    nevakomana dzakanyanyisa kukwirisa mazuva ano, nechikonzero chekuti mazuva ano
    hakuchisina zvematare kwaigarwa nevanhurume, vachidzidzisana mararamisiro
    avangaite mhuri dzavo sezvo vaive ndivo misoro yemisha.
    “Varume nevakomana vanofanirwa kuiswa mumapato ane chekuita nekuenzaniswa
    kwemikana kuitira kuti vadzidziswewo zvinhu zvakaita sekuzviriritira, kudzidziswa huipi
    hwemhirizhonga mudzimba nezvimwewo zvakadaro akadaro Phiri.
    Anusa Muhipo weku Muzari akati Mwari pavakasika Adam ari mumwe chete vakaona
    kuti haanga zvikwanisi vanofanira kusikawo munhukadzi kuitira kuti zvinyatso
    zadzikiswa.
    “Kana munhu achida mubatsiri zvinoreva kuti anofanira kupindawo muzvirongwa zvose
    zviri kuitwa nevanhukadzi. Izvi ndizvo zvinoita kuti kunyangwe kumhuri chaiko
    zvinofamba zvakanaka, kunyangwe Hurumende chaiyo vakapinza vanhukadzi mudariro
    zvinhu zvose zvinongoendeka zvakanaka. Nyaya iyi yekuti vakadzi hativade tinenge
    takuuraya zvinhu zvose.
    “Naizvozvo nyaya yema Equal Rights iri kutadza kunzwisiswa nevanhu, hazvirevi kuti
    pane anofanira kudzvanyirirwa asi kuti zvinofanira kuenzana. Mukadzi paanonzi
    ngaaende pasi pemurume wake, ”it is submission and submission is power, mukadzi
    ane pontential yekuita surpass, she can surpass a man”, akadaro Muhipo.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!