More
    HomeProvincial NewspapersMoto wemanenji woparadza musha

    Moto wemanenji woparadza musha

    Published on

    spot_img

    MHONDORO – MUCHIITIKO chinoshamisa nekutyisa zvekare, kune musha uyo
    urikungobvira moto uchipisa zvinhu zvose pamusha asi moto uyu unenge usingaoneki
    kuti uri kubva kupi kana kubatidzwa nani.
    Manenji aya arikuitika kunzvimbo ye Mhondoro-Ngezi kudunhu raMambo Benhura,
    vanozvarwa vachinzi Marks Matonga.
    Bepanhau rino richitaura neumwe yekumhuri kuri kuitika mashura aya anova
    mwanakomana wepo, Phillip Mujuru, anoti nhau yakataurika iyi zvinhu zvakaitika
    zveshuwa asi zvava ne mazuva angasvika svondo rimwe zvamira.
    “Moto uyo waibvira usingaoneki kuti urikubva papi wakapisa ukaparidza zvinhu
    zvakawanda kusanganisira kupiswa kwechibage chehupfu chaiva pamba zvekuti
    ikozvino hapana chiripo chekuti vanhu vangabatsirika nacho.
    Takazokwanisa kubatsirwa kwatakafamba zvinova zvakaita kuti umboti mire moto
    wacho. Wava nemazuva angagona kusvika kusvondo wamira kupisa zvinhu nekubvira,”
    anodaro Mujuru
    Mujuru anoti parizvino varikubetserwa nedzimwe hama dzinogara kuHarare kuti
    vakwanise kurarama sezvo vasisina chavainacho uye varikudawo kubetserwa sezvo
    zvinhu zvose zvakaparadzwa nemoto waingobvira.
    Mambo Benhura vakabvumirana nemashoko akanga ataurwa nemwana komana vakati
    zvinhu zviri kuitika mudunhu ravo zvinova zvinotyisa uye mhuri iyi yakatombouya
    kwamambokuti vabetserwe.
    “Hongu, inhau yechokwadi yekutsva kwezvinhu pamusha uyu. Musha wese wapara
    zvekuti nyangwe dzimba hapachisina, matenga akatowira mukati asi chinokonzeresa
    kuti zviitike hatina kuchiziva uye kuti moto wacho unobva kupi hakuna anoziva.
    “Mhuri iyi yakazombotsvaga anobatsira, kukauya godobori iro rakati mabasa evanobata
    bata, arikuita kuti pamba apa paitike mashiripiti akadai.
    ”Zvinonzi pakauya godobori iri rakanongedza imwe hama yemumusha umu kuti ndiyo
    honzeri zvinova zvakazoita kuti ide kubvisa nhumbi dzose pajekerere paiva naMambo

    zvinova zvakazoita kuti hama iyi iripiswe naMambo nokuti akanga azvidza dare
    raMambo.”

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!