MHONDORO – MUCHIITIKO chinoshamisa nekutyisa zvekare, kune musha uyo
urikungobvira moto uchipisa zvinhu zvose pamusha asi moto uyu unenge usingaoneki
kuti uri kubva kupi kana kubatidzwa nani.
Manenji aya arikuitika kunzvimbo ye Mhondoro-Ngezi kudunhu raMambo Benhura,
vanozvarwa vachinzi Marks Matonga.
Bepanhau rino richitaura neumwe yekumhuri kuri kuitika mashura aya anova
mwanakomana wepo, Phillip Mujuru, anoti nhau yakataurika iyi zvinhu zvakaitika
zveshuwa asi zvava ne mazuva angasvika svondo rimwe zvamira.
“Moto uyo waibvira usingaoneki kuti urikubva papi wakapisa ukaparidza zvinhu
zvakawanda kusanganisira kupiswa kwechibage chehupfu chaiva pamba zvekuti
ikozvino hapana chiripo chekuti vanhu vangabatsirika nacho.
Takazokwanisa kubatsirwa kwatakafamba zvinova zvakaita kuti umboti mire moto
wacho. Wava nemazuva angagona kusvika kusvondo wamira kupisa zvinhu nekubvira,”
anodaro Mujuru
Mujuru anoti parizvino varikubetserwa nedzimwe hama dzinogara kuHarare kuti
vakwanise kurarama sezvo vasisina chavainacho uye varikudawo kubetserwa sezvo
zvinhu zvose zvakaparadzwa nemoto waingobvira.
Mambo Benhura vakabvumirana nemashoko akanga ataurwa nemwana komana vakati
zvinhu zviri kuitika mudunhu ravo zvinova zvinotyisa uye mhuri iyi yakatombouya
kwamambokuti vabetserwe.
“Hongu, inhau yechokwadi yekutsva kwezvinhu pamusha uyu. Musha wese wapara
zvekuti nyangwe dzimba hapachisina, matenga akatowira mukati asi chinokonzeresa
kuti zviitike hatina kuchiziva uye kuti moto wacho unobva kupi hakuna anoziva.
“Mhuri iyi yakazombotsvaga anobatsira, kukauya godobori iro rakati mabasa evanobata
bata, arikuita kuti pamba apa paitike mashiripiti akadai.
”Zvinonzi pakauya godobori iri rakanongedza imwe hama yemumusha umu kuti ndiyo
honzeri zvinova zvakazoita kuti ide kubvisa nhumbi dzose pajekerere paiva naMambo
zvinova zvakazoita kuti hama iyi iripiswe naMambo nokuti akanga azvidza dare
raMambo.”


