More
    HomeProvincial NewspapersMwana okuvadzwa nehari

    Mwana okuvadzwa nehari

    Published on

    spot_img

    CHEGUTU – MUMWE mwanakomana ane gore nechidimbu rekuberekwa akakuvara
    zvakaipisisa mushure mekunge abheukirwa nehari yemutakura yaiva pamoto
    svondo rapera.
    Mwana uyu anonzi ainge asiwa kumba kwatete vake amai vachienda kunoputitsa
    maputi ekuzotengesa. Mwana uyu akatsva kunyanya rutivi rweruboshwe
    zvekutokwapuka ganda.
    Parizvino ari mune chimwe chipatara chihombe maanonzi ari panguva yakaomarara
    chaizvo. Mwanasikana akasiirwa mwana uyu, uyo akuita fomu yechitatu pane
    chimwe chikoro mudhorobha muno, aisakwanisa kutsanan gura kuti
    zvakambofamba sei kuti mwana asvike pamoto.
    Musikana uyu chaaigona kupfikura chete pasina kana shoko rimwe raibuda paari.
    Vagarisani vanoti vakangonzwa mwana kuridza mhere inotyisa.Mhere yakaridzwa
    nemwana inotyisa zvokuti munhu wese akamhanya kuda kuona kuti chii. Takawana
    mwana ari mukati memutakura wainge uchikwata zvokuti mwana akwapuka iyeye.
    Takazoenda naye kuna ambuya vake vanogara pedyo pedyo ndokubva vamhanya
    naye kuchipatara, vakadaro mai Phiri.
    Amai vemwana uyu, avo vanozivikanwa nezita rokuti amai Jazire, vakazotevera
    kuchipatara uko vakawana mwana atova mumaoko avana chiremba.
    Baba vemwana uyu vanonzi vainge vafamba rwendo rwechechi yavo pakaitika
    chiitiko ichi.

    Vatauri vazhinji vanoti rutsva rwemvura rwunodzika nenyama dzomuviri zvokuti
    mwana anogona kunge akatokuvara zvokusvika mumapfupa.
    Mvura inopisa inoibvisa nyama dzomuviri zvokuti mwana uyu anotozogona
    kurarama nourema hupenyu hwose. Kukuvara uku kunodaro kwakasvika
    kumabhonzo chaiko, mumwe murume akataurawo kudaro.
    Amai vanyakukuvara vanonzi havasi kuda kuti vanhu veruzhinji vaende kuchipatara
    kunoona mwana wavo. Vanonzi havasi kuda kana veukama wepedyo chaivo kuti
    vaone mwana wavo.
    Veruzhinji vanogara vachiudzwa kuti vachengetedze vana kubva kunjodzi dzakasina
    siyana.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!