More
    HomeMasvingo StarMuudzimai opisa imba yechikomba

    Muudzimai opisa imba yechikomba

    Published on

    spot_img

    MUDZIMAI wekuMucheke, kuMasvingo, wakapisa imba yechikomba chake svondo
    rapfuura mushure mekunge arasiswa apa iye ava nepamuviri poda kusvika.
    Zvinonzi musi wa9 Gunyana masikati, Christina Maota (30), akaenda kumba
    kwemukomana wake, Tapiwa Mhuru (37), kuti anotora mari yekutenga zvinhu
    zvegadziriro yemwana sezvo aine pamuviri.
    Maota akasvika pamba paMhuru, uyo aive agere nevana vake vaviri, umwe ane
    makore masere umwe ane makore mashanu.
    Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vakati vaviri ava
    havana kunzwisisana zvikakonzera kakusawirirana zvakati kuti Mhuru audze
    musikana wake kuti vaende kumba kwake kunonyatsoonesana nezvenhaurwa iyi.
    Vaviri ava vakafambidzana kusvika paCraft Centre, Mhuru akatiza
    nemuzvimakwenzi achisiya Maota amire oga. Maota paakazviona kuti abatiswa pasi
    akadzokera kumba kwechikomba chake akaona vana vaviri vaye vachitamba panze.
    Akapinda mumba akatorera banga akacheka cheka masofa akanotora chikuni
    chemoto panze akapisa mumba umu. Akapisa midziyo inoti masofa, wadhiropu,
    dzimudzangara yerudzi rwe32 inch Samsung, firiji yerudzi rweCapri, machira
    nezvimwe zvekushandisa pakubikisa.
    Akatora vana akaenda navo kumba komunin'ina wake iye akabva aenda kumba
    kwake.
    Pakaita batai batai mukadzi waMhuru paakasvika achiiona midziyo yake
    yaparara.Akachimbidza kunomhan'ara nyaya yake kumapurisa zvakakonzera
    kusungwa kwaMaota.

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!