More
    HomeProvincial NewspapersOtumirwa nhunzi nemasvosve muimba yekurara

    Otumirwa nhunzi nemasvosve muimba yekurara

    Published on

    spot_img

    CONCESSION – MUMWE mudzimai wekuHighwood kuConcession, Ellen Mukwambo,
    ane makore makumi matatu nematatu ekuberekwa(33), akaigochera pautsi mushure
    mekutora murume wemuridzi kuita wake apo akungotumirwa masvosve pamwe
    nenhunzi muimba yake yekurara.
    Tupukanana utwu zvinofungidzirwa kuti turi kutumirwa nemukadzi, muridzi wemurume
    waari kuita naye nyaya dzerudo.
    Vakuru vakati hutaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana apo vagari wekuHighwood
    kuConcession vaneta kuona masvosve pamwe nenhunzi pamba paEllen Mukwambo,
    uyo akatora murume waShelter Chipendo ndokutanga kugara naye.
    Zvinonzi masvondo matatu adarika Shelter Chipendo akanyangira murume wake
    Shepard Karedza munguva dzekumanheru uyo akange asingarare pamba kwemazuva
    akawanda ndokumuwana akavharirwa mumba naEllen Mukwambo.
    Zvadaro pakaita mvongamupopoto iyo yakazopera nekurwisana kwemadzimai maviri
    aya.
    Mushure mebopoto, Shepard Karedza akabva aramba kudzokera kumba kwake
    ndokutanga kugara pamba pemukadzi uyu kusvika iye zvino.
    Mukadzi waShepard Karedza akazodzokera kumba kwake kuDandamera mu
    Concession zvekare apo misodzi iri pamatama. Mudzimai waShepard Karedza
    akazovimbisa kuita imwe hondo nevaviri ava, asi haana kududzira mhando yehondo
    yacho.
    Naizvozvo nemusi weChishanu svondo radarika pamba paEllen Mukwambo kunyanya
    mumba maanorara makazara masvosve nenhunzi uye muchinhuhwa kuita kunge mune
    chinhu chakaora kusvika nanhasi uno.
    "Zviri kuitika pamba pano zvakaoma. Mumba mangu mandinorara umu makazara
    masvosve pamwe nenhunzi zvekutoti handirare nekurumwa- rumwa," akadaro Ellen
    Mukwambo.
    Nyangwe zvake akatanga nekunyara kutaura kuti zvii zvakaita kuti masvosve nenhunzi
    zviuye pamba pake, asi mudzimai uyu akazobuda pachena ndokuti anofunga kuti ari
    kutumirwa tupukanana utu nemudzimai wemurume waari kugara naye.
    "Ndakatora murume wemunhu wandiri naye, saka masvosve aya ndeyeshaisano.
    Zvose izvi ndakazviudzwa nemumwe maporofita," akadaro Ellen Mukwambo.
    Chikomba chemudzimai uyu chakaramba kutaura nezvenyaya iyi ndokuti hapana
    chinoshamisa panyaya yemasvosve, nokuti masvosve anongobuda pose pose.
    "Ko, zvashamisei kuti mumba medu muri kubuda masvosve. Masvosve anobuda pose
    pose," akadaro Shepard Karedza.
    Muhurukuro yakaitwa maringe nenyaya iyi, murume uyu akabvuma kuti ane vakadzi
    vaviri uye ari kugara kumba kwemukadzi mudiki. "Zvekuti ndine vakadzi vangani
    hamunei nazvo, asi munoda kunditorera vakadzi vangu?Vakadzi ndine vaviri uye
    parezvino ndinogara kuno nemukadzi mudiki sezvo takatadza kuwirirana nemukadzi
    wangu mukuru," akadaro Shepard Karedza.

    Mukadzi mukuru waShepard Karedza akati haasi kufara nekutorerwa kwaakaita
    murume wake naEllen Mukwambo, uye naizvozvo achaedza zvose zvaanogona kuti
    aparadze rudo rwevaviri ava.
    "Handitorerwe murume nepfambi. Vachanditsvaga vanhu ava. Ndichavapfidzisa, ende
    vachakaura," akapika Shelter Chipendo. Panyaya yemasvosve nenhunzi
    zvirikuwanikwa kumba kwemukadzi mudiki uyu, Shelter Chipendo akati zvinhu izvi
    ngazviite basa razvakatumwa kusvika vanhu vapfidza kuita chihure masikati machena.
    "Ndakangonzwa kuti kumba kwavo kwaita masvosve nenhunzi imba yose kkkkkkkkk
    ndozvavaitsvaga vacharidza mhere apa havasati," akadaro Shelter Chipendo.
    Muvakidzani wepamba pari kubuda masvosve, Tryness Chamboko, akatsinhira
    nezvechishamiso ichi apo akati masvosve ari kubuda pamba apa haana kumira mushe.
    "Padzimba dzose dzakatenderedza, imba yaEllen chete ndiyo iri kubuda masvosve.
    Ndakanzwa kuti pamba pemudzimai uyu pakagadzirwa nemushonga nekuti akatora
    murume wemuridzi," akadaro Tryness Chamboko.

    Latest articles

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    Historic G20 Summit in South Africa Charts Path for Inclusive Global Growth -Zim Govt

    ‎Harare, (New Ziana)— The G20 Summit in South Africa concluded on Monday, marking...

    High Court grants bail to ex-Gweru councillor Simbi, wife

    Staff Reporter GWERU – The Masvingo High Court has granted former Gweru councillor Charles Simbi...

    More like this

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    Historic G20 Summit in South Africa Charts Path for Inclusive Global Growth -Zim Govt

    ‎Harare, (New Ziana)— The G20 Summit in South Africa concluded on Monday, marking...
    error: Content is protected !!