More
    HomeNehanda GuardianOroorwa nechikwambo kwemakore makumi mana

    Oroorwa nechikwambo kwemakore makumi mana

    Published on

    spot_img

    NaHeadrance Viga

    NYAYA yaEmelly Tabvuma ane makore makumi mana ekuzvarwa (40) uye achigara kuHoward kuChiweshe inonzwisa tsitsi zvikuru pamwe nekudonhedzesa misodzi kunyanya kune vanhu vane hana nhete apo mudzimai uyu haasati aroorwa kana kukandwa shoko rerudo nevarume kubva zvaakazvarwa.

    Varume vanoona mudzimai uyu sekunge ane murume nechekare asi murume wacho ari chikwambo.
    Munhoroondo yemudzimai uyu zvinotaridza kuti haasati aroorwa kana kumbopfimbwa nevarume nekuda kwechikwambo chakadeketerwa paari sekutsanangurwa kwazvinoitwa nemamwe maporofita ezvemweya. Zvinonzi chikwambo ichi akachiberekeswa natete wake kubva pazuva raakazvarwa kusvika ikozvino, zvekutoti pose paanofamba hapana murume anomuda sezvo paari pane mumwe murume nechekare.

    “Hushereketwa uhu hwakabva kunatete wangu nokuti tafamba kwakawanda tichiudzwa kuti ivo ndovari kukonzeresa dambudziko iri,” akadaro Emelly.

    Zviri kushungurudza mudzimai uyu ndezvekuti vamwe wezera rake vapera kuroorwa uye vane vana iye haana kana mwana mumwechete. Naizvozvo chikumbiro chikuru chemudzimai uyu ndechekuti dai awana anogona kumubatsira kuti dambudziko rake ripere akwanisa kuroorwa nekuti nezera rake ari kuti haasisina nguva yakareba yokubereka mwana kana vana sezvo madzimai vachikasika kuguma kubereka kana zvichienzaniswa nevarume.

    Amai vaEmelly vakatsinhira nezvedambudziko remwana uyu vachiti vafamba kwakawanda asi mhepo iri pamwana haisi kupera izvo zvaita kuti asvike makore akawanda zvakadaro asati aroorwa.

    “Pana Emelly taedza zvose kuN’anga nekumaporifita asi shanduko hapana. Mwana uyu akagadzirwa nemunhu wehukama ndokupihwa murume nenzira yechikwambo ,” vakadaro amai vaEmelly.

    Latest articles

    Government to Distribute 18 Million Fruit, Agro-Forestry Trees Nationwide

    Bulawayo,  (New Ziana)- The Zimbabwe government plans to roll out a nationwide fruit tree...

    Parly raises red flag over deteriorating road safety

    Harare,  (New Ziana)-The Zimbabwean Parliament has raised a red flag over the increase in...

    National Hero Archbishop Mwazha to Be Laid to Rest on Sunday Chivhu

    Harare, (New Ziana) – The late National Hero, Africn Apostolic Church Archbishop Paul Mwazha,...

    Zimbabwe To Roll Out Electric Buses in Major Public Transport Modernisation Drive

    Harare, (New Ziana) - Zimbabwe is set to launch a new era in urban...

    More like this

    Government to Distribute 18 Million Fruit, Agro-Forestry Trees Nationwide

    Bulawayo,  (New Ziana)- The Zimbabwe government plans to roll out a nationwide fruit tree...

    Parly raises red flag over deteriorating road safety

    Harare,  (New Ziana)-The Zimbabwean Parliament has raised a red flag over the increase in...

    National Hero Archbishop Mwazha to Be Laid to Rest on Sunday Chivhu

    Harare, (New Ziana) – The late National Hero, Africn Apostolic Church Archbishop Paul Mwazha,...
    error: Content is protected !!