More
    HomeChaminukaAkabata gogo chibharo kwaMutoko

    Akabata gogo chibharo kwaMutoko

    Published on

    spot_img

    NaHilda Tanga

    MARONDERA– Mapurisa ari mushishi kutsvaga murume asingazivikanwe uyo akapindira mbuya vane makore makumi masere nematatu (83) ekuberekwa ndokuvabata chibharo kwaMutoko muraini raaSabhuku Kaparira kwaChimoyo.

    Sekutsinhirwa kwakaitwa chiitiko chinosuruvadza ichi nemutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, chembere iyi yakashinhwa musi wa13 mwedzi uno nenguva dzembiri mangwanani.

    Inspector Chazovachiyi vakati: “Mukumhan’arwa kwakaitwa nyaya iyi, zvinonzi ambuya ava vainge vakazvizororera muimba yavo yekurara apo vakazopatika vachibva vaona kuti gonhi remukamuri iyi rainge rakavhurika. Pavakaona izvi, vakakatyamadzika zvikuru asi zvinoita sekunge vasina  kumbofunyanyofungisisa zvakawanda nezvazvo sezvo vakaita fungidziro yekuti ndivo vainge vakanganwa kuvhara mukova panguva dzavakarara. Vakasimuka ndokunokiya gonhi ravo.

    “Mushure mekukiya gonhi ravo, vanonzi vakadzokera kunorara uye chiriporipotyo, mumwe munhu wavasina kuziva akabudikira mumimvuri yaiva mumba mavo mekurara vakaedza kumurwisa. Havana kukwanisa kumukurira sezvo nyakupomerwa mhosva uya anonzi akabva avabata nechemugotsi zvine chisimba ndokuvadzipa muhuro kuti vasaite ruzha.”

    Mutauriri wemapurisa muMashonaland East vakaenderera mberi vachiti ambuya ava vakatanga kushevedzera kuti vabatsirwe asi nekuda kwekudzipwa kwavainge vakaitwa, ruzha rwavo hapana kure kwarwakasvika. Murume uye akazovabata chibharo uye pave pashure, muchembere vaye vanonzi vakazobuda muimba mavainge vashinhirwa umu ndokuenda kumwanasikana wavo uyo vakazivisa nezvetsekwende yavainge vasangana nayo.

    Amai nemwana vakazodungamidzana ndokuenda kumapurisa uko vakanomhan’ara nyaya iyi. Mupari wemhosva haasati azivikanwa uye vanamugaradzakasungwa vari mushishi yekuita tsvakurudzo dzingabatsiridze kuti horomori bhinya iri ringe richizozivikanwa rosangana nemhaka dzaro.

    Inspector Chazovachiyi vakati: “Naizvozvo hapana akasungwa uye sevachengetedzi wemitemo munyika, tiri pakati pekuferefeta nyaya iyi nechinangwa chekuwana ruzivo rwunogona kuita kuti mupari wemhosva amiswe pamberi pematare edzimhosva. Senguva dzose, tinokurudzira veruzhinji kuti vakurumidze kumhan’ara mhosva dzakadai sezvo zvichibatsira kuti tifambire nyaya dzadzo nekuchimbidza.

    “Imwe kurudziro yedu ndeyekuti vanhu, munharaunda dzavagere, vanofanirwa kuchengetedza vakwegura kuitira kuti vasawirwe netsaona dzemutoo uyu vari vega sezvo vasingazokwanise kurwisana nehoromori dzakadai. Mukushanda kwedu nevakuru vanotonga munzimbo dzakasiyana-siyana, tinogara tichipawo kurudziro yekuti vagare vachidzidzisa vachiri kutemwa dzinobva ropa kuti vange vechiremekedza  nekuchengetedza vechikuru vatana vose. Vanhu vakwegura havafanirwe kushungurudzwa sezvo kuita kwakadaro kuchivabvisa chiremerera.”

    Latest articles

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...

    Masvingo records 5000 drug abuse cases

    Antony Chawagarira BIKITA -- The fight against drug and substance abuse is intensifying across Masvingo...

    More like this

    African, European Business Leaders Urge Stronger Partnerships to Drive Shared Growth

    Harare, (New Ziana) — Governments and institutions from Africa and Europe have been urged...

    ZimRights urges more focus on digital violence against women

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe on Tuesday joined the rest of the world in...

    Simba Bhora dominate soccer stars’ calendar

    THE Castle Lager Premier Soccer League's 2025 Best XI was dominated by 2024 champions...
    error: Content is protected !!