Sharon Chigeza
MUTARE-Mumwe musikana ane makore gumi nemana okuberekwa wemumusha weChihobvu kwaSabhuku Saunyama akanyura svondo radarika murwizi Pendeke muchiitiko chinosuwisa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assis-tant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti mushakabvu uyu ndiMercy Madotsa.
Sekutaura kwevakuru, Mercy aive aenda kurwizi ne-vamwe vana vaviri vadiki nenguva dzemasikati kunowacha mbatya pakaitika njodzi.
“Akati achiedza kugara padombo, Mercy akaresva kutsika, ndokutsvedza ndokuwira mumvura izvo zvakazoita kuti anyure,” Assistant Inspector Chinyoka vakatsanangura.
Amai vemushakabvu, Amai Martha Dzomba, vakanyeverwa ndokubatana nevenharaunda vachitora mutumbi wemwanasikana wavo murwizi.
Mapurisa emuNyanga akaziviswa mutumbi uyu ndokutakurwa kuendeswa kuNyanga General Hospi-tal kunoongororwa. Chiitiko ichi chasiya vagari vekumaruwa vachichema sezvo ongororo iri kuenderera mberi.
Vakuru vakayeuchidza veruzhinji kuti vangwarire pedyo nemvura, zvikuru munguva yekunaya kwemvura apo nzizi dzinenge dzakadira.