More
    HomeNehanda GuardianAkadonherwa nemombe ndokubva afa

    Akadonherwa nemombe ndokubva afa

    Published on

    spot_img

    NaTabeth John

    MMUCHIITIKO chinosuwisa nekushamisa zvikuru mumwe murume wekwaMauswa mudunhu ramambo Dotito kuMt Darwin akadonherwa nemombe ndokufirapo.

    Musi Gumiguru 22 nenguva dzemasikati mushakabvu Forget Machado (21) pamwe chete namai vake, Fungai Chingwena (63), vakasimuka pamusha pavo vachienda kugadheni kunodiridza mbeu yefodya.

    Vachisvika pagadheni vaviri vakatanga kudiridza gadheni riye vachichera mvura patsime rakavhurika iro riri mamita anoita makumi matatu (30m) kubva pagadheni.

    Vachidiridza kudaro mombe mbiri dzakasvika ndokutanga kurwisana dzichida kunwa mvura yakanga iri mumugoro wemvura izvo zvakazoita kuti imwe mombe idonhere pamusoro paForget akanga ari muchitsime.

    Mai vaForget vachiona izvi vakazadzwa nekutya vakadedzera pamwe chete nekuchemera rubatsiro. Vamwe vanhu vakamhanya asi Forget chakanga chava chando.

    Forget wakanga watofirapo. Sudden Chawamana ndiye akazomhanya kunoudza mapurisa eZRP Dotito avo vakazosvika vakaona mutumbi wemufi uchibva waendeswa kuchipatara cheKaranda Mission Hospital.

    Vakasanobata chigaro chemutauriri wemapurisa wemudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Lucy Chigwenhese, vakakurudzira veruzhinji kushandisa migoro iya inetambo kana vachichera mvura muzvitsime kudzivirira njodzi pane kupindamo.

    New Ziana

    Latest articles

    Central Committee members challenged to advance NDS-2 narrative

    Harare,  (New Ziana) –President Emmerson Mnangagwa on Thursday challenged members of the Central Committee...

    Traditional Leaders Bill should align with the Constitution: Garwe

    Harare,  (New Ziana) – The Minister of Local Government and Public Works, Daniel Garwe,...

    Govt unveils Zig100 million industrial revival fund

    Harare,  (New Ziana) - In a move expected to reshape Zimbabwe's industrial landscape, the...

    Consumer watchdog warns businesses over price displays prices, selling expired goods

    Bulawayo,  (New Ziana)-The Consumer Protection Commission (CPC) has warned businesses nationwide that failure to...

    More like this

    Central Committee members challenged to advance NDS-2 narrative

    Harare,  (New Ziana) –President Emmerson Mnangagwa on Thursday challenged members of the Central Committee...

    Traditional Leaders Bill should align with the Constitution: Garwe

    Harare,  (New Ziana) – The Minister of Local Government and Public Works, Daniel Garwe,...

    Govt unveils Zig100 million industrial revival fund

    Harare,  (New Ziana) - In a move expected to reshape Zimbabwe's industrial landscape, the...
    error: Content is protected !!