More
    HomeProvincial NewspapersAkanwa chefu afunga vabereki

    Akanwa chefu afunga vabereki

    Published on

    spot_img

    CHEGUTU – Muchiitiko chakatyisa nekukatyamadza vagari vemuKaguvi, mumwe musikana anemakore
    gumi nematatu akagudubira mushonga werukonye kuti afe nekuda kwekuti ainge afunga kuenda
    kuvabereki vake vanogara kwaNgundu kuMasvingo.
    Musikana uyu akange auya kuzosiiwa kumba kwatete vake kuti atsvagirwe nzvimbo yeFomu 1 gore rino
    muChegutu. Zvino iye ainge asina kubuda pachena kuvabereki vake kuti zveChegutu ainge asingadi.
    Zvinonzi mangwanani ngwanani emusi wa2 Ndira gore rino mwana uyu akatora mushonga werukonye
    ndokugudubira kuti afe zvake pane kugara natete vake, Amai Faustina Donono, avo vanova mudzidzisi
    pane chimwe chikoro chemunharaunda muno.
    Tete pavakamuka kuti vaende kumunda vakawana mwana achirutsa zvisina mukare akamboona.
    Mai Donono vanoti vakarohwa nehana zvikuru pavakaona kagubhu kemushonga werukonye kari padivi
    pemuzukuru wavo uyo aive mushishi kurutsa.
    “Ndakanetseka zvikuru pandakangoziva kuti muzukuru wangu ainge anwa mushonga. Ndakashingaira
    kumumanikidza kunwa mvura yakawanda ndisati ndamhanya naye kuchipatara uko akazonoiswa dhiripi
    nekupiwa imwe mvura zhinji futi. Achingobuda muchipatara, mubhazi kudzokera kuvabereki vake nekuti
    handingagare nemunhu zvekumanikidza,” vakadaro Mai Donono.
    Mwanasikana uyu akati haana rutadzo natete vake, asi kuti ainge afunga vabereki vake bedzi.
    “Ini ndikungoda kudzokera kuvabereki vangu chete hapana kana chimwe zvacho chandinokanganisirwa
    natete. Ndikaenda handidzoke nekuti ndakajaira kugara nababa naamai vangu. Zvekudzidza kuno
    bodo,”akadaro.
    VaAustin Donono, murume watete vemwana uyu, vakatiwo zvinototyisa kugara nemwana anepfungwa
    dzakaipa kudaro.
    ”Ini handisi kunzwisisa kuti tezvara vangu vakamanikidza amainini kuuya kuno here ivo vasingadi.
    Pfungwa dzamainini ava dzandityisa pazera ravo iri, ngavadzokere zvavo kwavakabva ndisati ndaitirwa
    mashura pamba pangu,”vaDonono vakataura kudaro.
    Pakangobuda muzukuru wavo muchipatara mushure memazuva maviri, Amai Donono vakabva
    vamukwidza bhazi kumutumira kumusha kwakare.
    Pepa rino harina kukwanisa kubata vabereki vemwana uyu nekuti nhare dzavo vose dzairamba kurira.
    Vanogadzira mishonga yakasiyana siyana vanotonyora pavanoisira mishonga yavo kuti mushonga
    inofanira kugariswa kure nevana.

    Latest articles

    Cost of Doing Business Falling as Government Streamlines Licensing System

    Bulawayo,  (New Ziana)-As part of broader efforts to stimulate investment and industrial growth, the...

    Hwange Stretch Now Open as Victoria Falls Highway Rehabilitation Advances

    By Patience Shawarira Work is progressing steadily on the Victoria Falls Highway road rehabilitation, with...

    ZIMSTAT launches 2025 ICT access and usage survey

    Harare,  (New Ziana)- The Zimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT), in partnership with the Postal...

    Honde Valley Smallholder Banana Farmers Eye Bigger Supply Role

    By Johnson Siamachira Harare,  (New Ziana) – Small-scale farmers in Zimbabwe drive the agricultural economy,...

    More like this

    Cost of Doing Business Falling as Government Streamlines Licensing System

    Bulawayo,  (New Ziana)-As part of broader efforts to stimulate investment and industrial growth, the...

    Hwange Stretch Now Open as Victoria Falls Highway Rehabilitation Advances

    By Patience Shawarira Work is progressing steadily on the Victoria Falls Highway road rehabilitation, with...

    ZIMSTAT launches 2025 ICT access and usage survey

    Harare,  (New Ziana)- The Zimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT), in partnership with the Postal...
    error: Content is protected !!