LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Baba vourairwa mhunga

Share

MURUME ane makore makumi matatu nemana wakatema baba vake nebadza
mushure awana mbeu yemhunga yanga ichigara mumba make isisimo.
Morris Tasaranarwo wekubhuku raGwasarira, Chief Bota, kuZaka uyo
anofungidzirwa kuti anga akurwara nepfungwa anonzi akauraya baba vake Misheck
Muputa (68).
Zvinonzi nemusi was 16 Gunyana, Muputa nemudzimai wake, Itai Musingarimi (48),
vakanga vachigadzira mbeu yemhunga iyo yakanga ichigara mumba ma
Tasaranarwo.
Tasaranarwo paakadzoka kwaakange aenda, anonzi akange achiratidza kuti akange
akadhakwa akatanga kunetsana na baba vake kuti ndiani akange atora mbeu
mumba make.
Tasaranarwo akatema baba vake nebadza katatu mumusoro, neparuoko
rwekuroboshwe. Muputa akawira pasi achibuda ropa zvakaipisisa.
Musingarimi akamhanya kumba kwaSabhuku kundoreva nyaya vakadzoka
vakadungamidzana nevamwe vemunharaunda.
Vakamumhanyisa kuMusiso Hospital uko akasvika akawanikwa kuti akange afa.
Assistant Inspector Lorraine Ndlovu, mutauriri vakati wongororo dzichiri kuitwa uye
Tasaranarwo achiri kutsvakwa nemapurisa.

Next Up