More
    HomeMasvingo StarBaba vourairwa mhunga

    Baba vourairwa mhunga

    Published on

    spot_img

    MURUME ane makore makumi matatu nemana wakatema baba vake nebadza
    mushure awana mbeu yemhunga yanga ichigara mumba make isisimo.
    Morris Tasaranarwo wekubhuku raGwasarira, Chief Bota, kuZaka uyo
    anofungidzirwa kuti anga akurwara nepfungwa anonzi akauraya baba vake Misheck
    Muputa (68).
    Zvinonzi nemusi was 16 Gunyana, Muputa nemudzimai wake, Itai Musingarimi (48),
    vakanga vachigadzira mbeu yemhunga iyo yakanga ichigara mumba ma
    Tasaranarwo.
    Tasaranarwo paakadzoka kwaakange aenda, anonzi akange achiratidza kuti akange
    akadhakwa akatanga kunetsana na baba vake kuti ndiani akange atora mbeu
    mumba make.
    Tasaranarwo akatema baba vake nebadza katatu mumusoro, neparuoko
    rwekuroboshwe. Muputa akawira pasi achibuda ropa zvakaipisisa.
    Musingarimi akamhanya kumba kwaSabhuku kundoreva nyaya vakadzoka
    vakadungamidzana nevamwe vemunharaunda.
    Vakamumhanyisa kuMusiso Hospital uko akasvika akawanikwa kuti akange afa.
    Assistant Inspector Lorraine Ndlovu, mutauriri vakati wongororo dzichiri kuitwa uye
    Tasaranarwo achiri kutsvakwa nemapurisa.

    Latest articles

    Warriors set to receive US$500k AFCON prize money

    Zimbabwe’s senior men’s national soccer team, the Warriors, will receive US$500,000 from the Confederation...

    Zanu PF secures Bikita Ward 13 seat unopposed

    Antony Chawagarira BIKITA – Zanu PF candidate Obvious Tinarwo Madzivanyika has been declared the new...

    Prof. Jiri warns land barons

    Harare, (New Ziana) – Permanent Secretary in the Ministry of Lands, Agriculture, Fisheries, Water...

    Malaria kills four

    Harare, (New Ziana) – The country recorded four malaria-related deaths and more than 1,700...

    More like this

    Warriors set to receive US$500k AFCON prize money

    Zimbabwe’s senior men’s national soccer team, the Warriors, will receive US$500,000 from the Confederation...

    Zanu PF secures Bikita Ward 13 seat unopposed

    Antony Chawagarira BIKITA – Zanu PF candidate Obvious Tinarwo Madzivanyika has been declared the new...

    Prof. Jiri warns land barons

    Harare, (New Ziana) – Permanent Secretary in the Ministry of Lands, Agriculture, Fisheries, Water...
    error: Content is protected !!