NaHeadrance Viga
GLENDALE – MUMUSHA weGlendale masara muine chishamiso chekuonekwa kwemudhudhudhu uyo uri kufamba mumuti zvichitevera kufa kwevamwe ambuya vechikuru avo vakafa nemusi wa29 Gunyana vaine nemakore makumi matanhatu nemanomwe ekuzvarwa (67).
Mhuri yekwaSibanda, iyo inogara munzvimbo yeGlendale uye ichibva kuChipinge ine hama yavo yechidzimai yakafa nemusi wa29 Gunyana, zvino kubva zvayakafa kudaro hama yacho yaakupota ichiita mashiripiti nokuti zvirikunzi iri kupota ichidzoka kumba kwayakafira apo iri kuonekwa yakakwira pachimudhudhudhu icho chaakuonekwa chichi tsvuka-tsvuka pamwe nekutinhira munguva dzemanheru dzoga-dzoga apo chinenge chichifamba chiri mumuti uyo uri pedyo nepamba pemufi wacho.
Mamwe mazuva pamba pemushakabvu panotombonzwikwa kurira kwemudhudhudhu wacho panze apo vanhu vanenge vari mumba asi pavanozobuda panze havasi kuona mudhudhudhu wacho.
“Kubva zvakafa amai vangu tinonzwa kurira kwechimudhudhudhu pamba asi tikatarisa panze chimudhudhudhu chacho hatichione asi mamwe mazuva tinoona chimudhudhudhu chacho chiri mumuti chichifamba,” akadaro Juliana Sibanda.
Nyangwe pave nemasvondo akatevedzana kubva pazuva rakafa mushakabvu uyu, asi mimana ichiri kudungamidzana semabhazi erwendo rwumwe nokuti dzimwe nguva pamba pacho panotomborira bhero remudhudhudhu asi mudhudhudhu wacho pasina.
“Parizvino hatisi kuziva kuti zvose zviri kuitika pano pamusha zviri kukonzerwa nei, nokuti hatisati tafamba,” uku kutaura kwemuzukuru wambuya vakafa ava.
Tiri munyaya imwecheteyo, ane mashura zvekare akaonekwa pamufi uyu asati aradzikwa, apo akafa kudaro aitamba ngoma kunge munhu mupenyu. Panguva yekutamba ngoma, zvinonzi mufi akange akamonerwa muviri wake vose nejira pamwe nekufugidzwa gumbeze asi ari mugumbeze kudaro mufi aipota achizunguzika-zunguzika izvo zvaienderana nengoma yairidzwa panze, apo vanhu vaigadzirira nezvekuradzikwa kwake uri musi wa30 Gunyana.
Panguva yekucherwa kweguva rake zvinonzi pakaonekwa nyoka dzinokwana shanu asi vanhu havana kuzviisa muhana apo vaingoti pamwe nokuti makuva acho anowanikwa munzvimbo iri musango umo muzere nenyoka.
Nyoka dzakaonekwa pakucherwa kweguva remufi dzakange dzakafanana uye dzose dzakatiza hapana kana imwe zvayo yakabatwa.
“Rufu rwaambuya ava rwairema nokuti akange ari mashura chete kubva kumba kusvika kumakuva. Kumakuva takazoona nyoka shanu dzakange dzakafanana,” vakadaro maiTanaka Yakiti. Imwe hama yemufi yakati ambuya ava vari kumuka nokuti mashura ose ave kuonekwa pamusha auya zvichitevera kufa kwavo.
“Nyangwe tisati tafamba, zviri pachena kuti mufi ndiye honzeri wemashura echimudhudhudhu chaakupota chichionekwa mumusha,” yakadaro hama yacho.


