NeMunyori WeChaminuka
MARONDERA– Chirongwa chePfumvudza/Intwasa icho chinotsigira varimi chinosimbisa bandiko rezvekurima zvakanyanya munyika sezvo mudzimba uye Hurumende icharamba ichichipa rutsigiro rwakakodzera nguva dzose.
MuMashonaland East, chirongwa ichi chemwaka wekurima uri kutevera chakaparurwa muWard 16 kudunhu reGoromonzi pamusha paVaBrighton Chibhamu munguva pfupi ichangodarika.
Hupfumi hweZimbabwe hunonyanyosimbaradzwa nebandiko rekurima. Kuparurwa kwechirongwa chePfumvudza/Intwasa ichi kwakabva kwangobatanidzwazve nekugoverwa kwezvikwanisiro kwevarimi vakange vagara vaita gadziriro dzavo pamwe nevamwe vari mushishi yegadziriro idzi.
Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemabasa uye kusimudzirwa kwematunhu muMashonaland East, Dr Aplonia Munzverengwi, vakadudza izvi mumashoko avo akaturwa naVaDouglas Dzukwa (vanoona mafambisirwo emari, matungamiriro nemarongero evashandi veHurumende muMashonaland East) avo vainge vakavamirira pazuva rekuparurwa kwechirongwa ichi.
Vakati danho rakatorwa neHurumende iri richaramba richisimbaradza hugaro hwezvizvarwa zveZimbabwe kubva kumaruwa kusvika kumadhorobha pamusha nemusha, dunhu nedunhu munyika yose.
Varimi vose vakapihwa kurudziro yekushanda nesimba muminda yavo kuitira kuti nyika igozowana kudya kunoigutsa uye kuchikwana nguva dzose panguva iyo paine shungurudzo yekuomerwa kwezvirimwa kwakaitika mwaka uchangodarika nekuda kweshanduko yemamiriro ekunze.
“Chirongwa chePfumvudza/Intwasa chakamisikidzwa nenhau yekurima, zvekudya uye kusimudzirwa kungaitwe nharaunda dzemumaruwa. Chakaparurwa neHurumende mumakore mashoma achangodarika senzira yekuve nechokwadi chekuti mhuri dzose dzinowana goho rine mwero wekuti dzisazova dzichishaya chekudya nguva nenguva. Yaivezve nzira inobatsira kuti zvidyarwa zvevarimi vedu zvichange zvichikanganiswa kana kupotsana nenguva panguva yekushanduka kwemamiriro ekunze mupasi rose.
“Mumwaka wekurima watatarisana nawo, tinotarisira kuzove negohwo rakanaka richabatsiridza kuzadza matura edu ose enyika sezvo vanamazvikokota vemamiriro ekunze vachiti kuri kutarisirwa kuzova nemvura ichaturuka zvichagutsa zvirimwa zvedu zvatichadyara. Chakachenjedza ndicho chakatanga. Sevarimi, ngatishandidzanei nevarimisi nevamwe anamazvikokota nguva nenguva kuitira kuti matanho atinotora mukurima kwatinoita ave nezvinozopa pundutso,” Dr Munzverengwi vakadaro.
Pamusha wega-wega, Dr Munzverengwi vakaenderera mberi, ngapave paine kugamuchirika uye kutevedzwa komene kwechirongwa chePfumvudza/Intwasa.
Vakati sezvakafanana nezvirongwa zvese zvakanangana nevarimi munyika yose, panodazve simbaradzo yekudzidzisa varimi nevarimisi pamusoro pematanho avanofanirwa kunge vachiteedzera kana kutora nguva dzose – panenge papotseka potwasanudzwa.
MadziMambo, vanaSadunhu neMasabhuku varimowo muchirongwa chekubatsira kuti nyika inge ichizowana kudya kunokwa ichi uye vachange vari mamwe emaziso acho.
“Madhumeni edu kubva munharaunda dzose vari kushanda nesimba pakudziidzisa varimi nzira dzekurima dzakakodzera. Tinezve hutungamiri hunobatsiridza nekutipa gwara nenjere sezvo tiri kubata pamwe nekusimbaradza chirongwa ichi nevatungamiri vedu vemumatunhu atigere anosanganisira madziMambo nemaSabhuku. Sekureva kwandaita pakutanga, chirongwa chePfumvudza/Intwasa chakanangana nekusimbaradza hudyi hwemhuri dzose. Hapana munhu, kana nzvimbo iri kuzosiiwa nacho,” Dr Munzverengwi vakaenderera mberi vachidaro.
Kanzura veWard 16, Aaron Shamu, vakakurudzira varimi vose vakawaniswa zvikwanisiro nechirongwa ichi kuti vazvishandise nenzira inotarisirwa.
Vakati: “Kurudziro yangu ndeyekuti kumurimi wose anenge apihwa zvikwanisiro neHurumende, ngazvishandiswe muchinangwa chekuti tizove negoho rakanaka uye mhuru dzedu, pamwechete neyika yose, tizove nekudya kunotikwanira.”
New Ziana