More
    HomeProvincial NewspapersChivhuramahwe chonaya kuNyabira

    Chivhuramahwe chonaya kuNyabira

    Published on

    spot_img

    NaFarai Chikore

    NYABIRA – MUSHURE mokunge kwanaya bunharutsva negukura hundi muma zuva mashoma adarika kwakazonaya chivhuramahwe mvura yakanga iine hasha zvikuru.

    Varimi vanorima muzvimbo yeNyabira vakafarira mvura iyi sezvo yainge yakawanda uye vaiti hapana chainokanganisa sezvo vasati vadyara mbesa dzavo.

    Mvura iyi yakanaya svondorapera musi weChishanu yakakonzera kuti vanofamba nengoro dzemoto vambomira parutivi pemungwangwa sezvo kwainge kusisaoneki magodo madiki achizara pasi.

    Vatapi venhau vainge vachibva kuHarare vakazomira vachiona kunaya kwaiitika vabuda mumotokari yavo vohwanda mvura iyi mune rimwe bhawa panzvimbo iyi.

    Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Silvia Mairosi, akati Nyabira inonaya mvura yakawanda, asi zvivhuramahwe zvaisanyanya kunaya.

    Vamwe amai vaitaura vachine vamwe vavo vachizvifamba havo vaiti vanhu vakarima fodya icharoverwa pasi, uye vaya vaiva neinenge yaita mashizha inobooka booka izvo zvinopa kuti idzike mutengo kwainotengeswa.

    Vakazotizve mvura iyi yanaya nguva yakanaka sezvo varimi vazhinji vasati vatanga kudyara. Kurima kwacho kunozova nyore sezvo pasi panenge panyorova.

    Shame Sibanda, uyo anoita zvokutengesa akati misasa yevanhu vanotengesa ichaparadzwa nemvura iyi sezvo yainaya zvine hasha. Sibanda akafarira mvura iyi achiti inonyanya kupinda pasi uye, pasi panoita mazuva akawanda paine hunyoro.

    Mvura yechivhura mahwe yaishamisa vana vadiki zvokuti vaimhanya vachinhonga magodo vachiisa mumaoko vachishamisika nokutonhora kwayaita sezvo zviri zvinhu zvavanotarisira kuoona pamvura inenge yabva muma firiji chete.

    KuNyabira kunorimwa chibage zvose nefodya, uye mbatatisi nembambaira idzo dzinonzi nemamwe marudzi mabura.

    Vamwe vechichena vairima nzvimbo iyi ivhu risati rapiwa masimba kuvatema vaidyara usva unonzi katambora uhwo hwunoshandiswa kugadziriswa chikafu chema bhiza hwavaiti haunetsi nokuti hukange hwachekwa hunongorimirwa pasi uye haunyanyo kanganisa mbesa zvizhinji.

    New Ziana

    Latest articles

    Floods Cut Off Zim-Moza Rail Link

    Bulawayo, (New Ziana)-The National Railways of Zimbabwe (NRZ) says the railway line between Chicualacuala...

    Zimbabwe urged to brace for heavy rains this week.

    Harare, (New Ziana) - The Meteorological Services Department (MSD) has warned that starting from...

    Public Servants Push for Continued Payment of USD75 Cost of Living Allowance

    Harare, ( New Ziana) -Civil servants have renewed pressure on the government to cushion...

    Chief Justice Malaba to Retire in May 2026

    Harare, (New Ziana)  -Chief Justice of Zimbabwe, Justice Luke Malaba, will retire from service...

    More like this

    Floods Cut Off Zim-Moza Rail Link

    Bulawayo, (New Ziana)-The National Railways of Zimbabwe (NRZ) says the railway line between Chicualacuala...

    Zimbabwe urged to brace for heavy rains this week.

    Harare, (New Ziana) - The Meteorological Services Department (MSD) has warned that starting from...

    Public Servants Push for Continued Payment of USD75 Cost of Living Allowance

    Harare, ( New Ziana) -Civil servants have renewed pressure on the government to cushion...
    error: Content is protected !!