LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Hatoini chitunha

Share

ZVIMBA – MADZIMAMBO emunyika ino havapi ruonekedzo rwunonzi muchirungu body
viewing kumushakabvu kunyangwe kuhama yepedyo kusanganisira nemadzimai avo.
Mashoko aya akapupurwa naMambo Chidziva, avo vakazvarwa vachidzi Sheppard
Muganhiri.
Mambo Chidziva vakataura mashoko aya kubepa nhau rino mushure mekunge
tavabvunza kuti sei vasina kuuya kurufu rwemushakabvu aive kanzura muKanzuru
yeZvimba, vaRichard Muganhiri.
“Isu savana Mambo tinokoshesa Tateguru wedu kwedu ndiye anezita rokuti Chidziva ini
handina kumuoona saka patsika yechivanhu isu hationi chitunha,” vakadaro Mambo
Chidziva.
Mambo vakazoenderera mberi vachiti kunyangwe vaye vanofirwa havaoni munhu afa
zvakare nyaya yavo imwe chete sezvo vanenge vakagarwa naTateguru asina
kumboona pwere dzaveko mazuva ano.
Mumwe mukuru wevapositori vekwMugodhi akawirirana naMambo achiti chitendero
chavo hachikurudziri kuwona munhu ari mubhokisi nekuti zvakatombo uraisa vamwe
vanhu vakazviuraya nekushungurudzika vashaikirwa nehama dzepedyo.
Vakazoti asi hama dzemufi dzisiri vapositori dzinowonekedzana hadzo nehama yafa
hazvina ndava.
Mufundisi Itai Mukonza veAssemblies of God vakati mushakabvu ihama yenyu,
mudikani wenyu anoda kuitwa good bye hazvigoni kuita semamurasa. Jesu paakafa
vana Mary nana Simon Peter vaida kunozora muviri wake mafuta, patsika yechi Judah
vanofumira kuguva.
Vakawedzera vachiti kusaonekana nemushakabvu kune zvikonzero zvakasiyana
siyana. Vamwe vanhu havana kusimba moyo vakaona munhu akafa
vanoshungurudzika zvakanyanyisa, asi kuonekana nemushakabvu hakuna kumboipa.
Mutsika yechi Korekore, vanhu vanoonekana nehama yavo uye vanorova guva
kwapera gore munhu afa vachiti vanenge vachidzora mweya wake mumusha izvo zvino
bvumidzwa nana Mambo verudzi rwechi Korekore.
Kunyangwe zvazvo madziMambo vachiti havaoni mufi vanokoshesa vakafa kare zvokuti
nzvimbo zhinji muZimbabwe dzakapiwa mazita evashakabvu vaive vana
vemadzimambo.

KwaZvimba nzvimbo inonzi Uzande yakapihwa zita iri rinova remunhu aive dangwe
raMambo Zvimba vekutanga.
KuHurungwe zvakare kune nzvimbo inonzi Chimusimbe yakadaidzwa zita iri rwuri
ruremekedzo rwemutevedzeri waMabo Munjinga.