NeMunyori WeChaminuka
MARONDERA– Hurumende icharamba ichishanda nesimba mukusimudzira mabasa ebudiriro pamwe nekuvandudza hupenyu hwevanhu vanogara kumaruwa, Gurukota rinoona nezvekusimudzirwa kwedunhu reMashonalanad East, Dr Aplonia Munzverengwi vanodaro.
Vakatura mashoko aya pachirongwa chekuzarurwa zviri pamutemo kwakaitwa chipatara chepaGamanya kudunhu reChikomba munguva pfupi ichangodarika. Vakati kuzarurwa kwechipatara ichi zviri pamutemo mucherechedzo wekuti Hurumende inotungamirirwa naPresident Emmerson Mnangagwa inokoshesa chirongwa chebudiriro nekuvandudzwa kwematunhu mune zvedzidzo nezvehutano, icho chiri kufambira mberi munyika yese jekerere.
“Mufaro wangu mukuru kwazvo hama dzadiwa kumira pamberi penyu zvakare muzuva ranhasi tichifambisira mberi mabasa emuono weHurumende yedu weVision 2030. Tiri pano kuti tizarure zviri pamutemo chipatara cheGamanya, mushure mekuvhura zviri pamutemo dzimba dzekudziidzira kuChikomba West Constituency. Senhume yeMutungamiri WeNyika, ndakazvipira kushanda nekushambadza mabasa ebudiriro ari kuitwa muMashonaland East kubudikidza nechirongwa chedevolution, ayo anonwisa mvura.
“Chero zvakaoma sei, zvichirema sei nekuda kwezvirango zvehupfumi zvakatemerwa nyika ino nenyika dzekumadokero, seMashonaland East hatisi kuzopeta maoko asi ticharamba tichishandira budiriro kumaruwa. Hurumende yeduwo icharamba ichitisimudzira, kubudikidza nekupa makanzuru mari dzezvekuvandudzwa kwematunhu pamwe nekusimudzirwa kwemararamiro everuzhinji nenguva. Sezvatiri kuona zuva nezuva, mabasa akawanda ari kubatwa, zvikoro zviri kuvakwa, migwagwa iri kuvandudzwa, zvekushandisa pakurima tiri kupihwa, madhamu ari kuvakwa kusimudzira chirongwa chekurima kubudikidza nemadiridziro – iri nhau yekuda kuvandudza hupenyu,” Dr Munzverengwi vakadaro.
Vakaenderera mberi vachiti chipatara chepaGamanya mucherechedzo wekuti Hurumende inotungamirirwa naPresident Mnangagwa ine hany’a nekuda kuona vana veZimbabwe vachirapwa zvakafanira munzvimbo dzavagere pasina kufamba nzendo refu uye izvi zvinoitawo kuti vakwegura vasafambe nzendo refu vachitsvaga kwavangarapwe vawane rubatsiro pedyo.
Chipatara cheGamanya mucherechedzo wemushandirapamwe wakaitwa nekanzuru yeChikomba Rural District Council nevagari vemunharaunda iyi kusvika chipatara ichi chazopera kuvakwa.
Dr Munzverengwi vakarumbidza izvi vachiti: “Taratidzwa nhasi kuti rume rimwe harikombe churu uye kuti zvikomo zvinopanana mhute. Kanzuru yeChikomba yakabatana nemhuri yenzvimbo ino vakaita maonerapamwe, vagari vachiunzawo zviwanikwa zvakaita seivhu, zvidhinha nemvura zvaidiwa kuti chipatara chino chivakwe. Masadunhu akakomberedza nzvimbo ino ndinokutendai nekuti makagona kubatanidza mhuri yenyu kuti pabude basa rakanaka kudai.
“Vazhinji kwazvo vaibva munzvimbo ino vachienda nzvimbo dziri kure kutsvaga zvipatara zvingavabatsire asi kubudikidza nechirongwa chekuvandudza matunhu nemaruwa chakaunzwa naPresident Mnangagwa, nhasi tiri kupembera. Chikomba RDC ndeimwe yemakanzuru aratidza kuti ari kushandisa mari yedevolution, yavari kupihwa neHurumende, kusimudzira hupenyu hweveruzhinji.”
Vakakomekedza makanzuru nevashandi veHurumende kuti varambe vachishanda nesimba kuitira kusimudzira hupenyu hweveruzhinji, vakakurudzirazve vagari vemudunhu reChikomba kuti varambe vachishandidzana nemakanzura avo nemamwe mapazi eHurumende
“Zvakadaro, imi vemakanzuru, vashandi veHurumende nesu nhume dzaPresident Mnangagwa mune zvebudiriro tine basa rekushandira Mashonaland East neZimbabwe yose jekerere. Regai nditaure ndichiti nyika vanhu. Naizvozvo, hupenyu hwevanhu hunoda kusimudzirwa nenzira dzose dzatingagone nadzo – madzimai ose ari munharaunda dzatigere, vanorarama nehurema vatigere navo vanotarisira kuvandudzika kwehupenyu hwavo zuva nezuva,” vakadaro Dr Muzverengwi.
Pachirongwa chekuparurwa zviri pamutemo kwechipatara ichi paive nevanhu vaisanganisira nhengo inomiririra Chikomba East mudare reParamende VaFelix Mhona, vakuru vezvematongerwo enyika muMashonaland East, madziMambo, vashandi veHurumende kubva kumapazi akasiyana-siyana uyewo vagari vemunharaunda iyi.
New Ziana