More
    HomeAgricultureJah Prayzah, Dorcas Moyo Voridzira Manicaland Agric Show

    Jah Prayzah, Dorcas Moyo Voridzira Manicaland Agric Show

    Published on

    spot_img

    MUTARE- Zvose zvave panzvimbo kuManicaland Agricultural Show yegore rino umo mukwikwidzi
    mukuru akahwina mibairo yakawanda, Jah Prayzah, achange achiridza neMugovera achiteverwa
    naDorcas Moyo ane mukurumbira kwaMutare nemusi weSvondo.
    Richimhanya pasi pedingindira rinoti, ‘Innovation and Collaboration for Sustainable Growth’, chiratidziro
    ichi chinotarisirwa kukwezva varatidziri vanodarika zana nemakumi mashanu gore rino.
    Mukuru weManicaland Agricultural Show Society, Pedzisai Rusero, vanoti chiitiko chegore rino
    chichange chakakura uye chiri nani kana zvichienzaniswa nemakore adarika vachityira kuti vanogona
    kushaya nzvimbo yekuratidzira.
    “Varatidziri vazhinji vanouya panguva yekupedzisira tave kuiita chipata-pata uye tinotarisira kuti
    huwandu hwedu huchapfuura 150. Pari zvino apo gadziriro dziri kuitika, varatidziri makumi masere
    nevashanu vakatsigira uye vakanyoresa nesu. Nzvimbo yedu ishoma uye vanoda kuratidza vanofanirwa
    kuuya nenguva, ”akadaro.
    Chiratidziro chemazuva mana chichaitwa kubva munaGunyana 21 kusvika 24.
    Musangano wezvekudya kwemangwanani webhizinesi uchaitwa neChishanu Gunyana 22 ichipa nzvimbo
    yekuti makambani ataurirane uye agovane mazano ekusundira mberi mabhizimusi avo.
    Mutambo wepagore uyu unopa makambani mukana wekutaura kune veruzhinji muManicaland nemhiri
    mukuedza kusimudzira kuoneka kwemhando.
    Muzvare Rusero vanoti chiratidzieo ichi chichavhurwa zviri pamutemo negurukota rezvematunhu
    eManicaland Provincial Affairs and Devolution, VaMisheck Mugadza.
    “Ichi chichava chiitiko chinonakidza chizere uye zvinodikanwa zvemunhu wese zvichazadzikiswa.
    Tirikukumbira vagari vese vemudunhu reManicaland kuti vaungane kwaMutare Showgrounds
    nenhamba dzavo kuitira kutandara kwavasingakanganwi. Tinofanira kupemberera kubudirira
    kwepurovhinzi pamwe chete,” vanodaro.

    Latest articles

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...

    Caledonia Mining Posts 467 percent Profit Surge

    Harare, (New Ziana) — Caledonia Mining Corporation recorded a dramatic 467 percent surge in...

    More like this

    KMC WINS THE COMMUNITY EMPOWERMENT AND SOCIAL IMPACT AWARD

    Kamativi Mining Company (KMC), a leading lithium producer, has been honored with the prestigious...

    ZIFA convenes club licensing regulations workshop

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe Football Association (ZIFA) on Thursday convened a workshop...

    Government still pursuing establishment of Road Accident Fund

    Harare, (New Ziana) - The Zimbabwe government is expediting the establishment of the Road...
    error: Content is protected !!