LOADING

Type to search

Agriculture Provincial Newspapers Pungwe News

Jah Prayzah, Dorcas Moyo Voridzira Manicaland Agric Show

Share

MUTARE- Zvose zvave panzvimbo kuManicaland Agricultural Show yegore rino umo mukwikwidzi
mukuru akahwina mibairo yakawanda, Jah Prayzah, achange achiridza neMugovera achiteverwa
naDorcas Moyo ane mukurumbira kwaMutare nemusi weSvondo.
Richimhanya pasi pedingindira rinoti, ‘Innovation and Collaboration for Sustainable Growth’, chiratidziro
ichi chinotarisirwa kukwezva varatidziri vanodarika zana nemakumi mashanu gore rino.
Mukuru weManicaland Agricultural Show Society, Pedzisai Rusero, vanoti chiitiko chegore rino
chichange chakakura uye chiri nani kana zvichienzaniswa nemakore adarika vachityira kuti vanogona
kushaya nzvimbo yekuratidzira.
“Varatidziri vazhinji vanouya panguva yekupedzisira tave kuiita chipata-pata uye tinotarisira kuti
huwandu hwedu huchapfuura 150. Pari zvino apo gadziriro dziri kuitika, varatidziri makumi masere
nevashanu vakatsigira uye vakanyoresa nesu. Nzvimbo yedu ishoma uye vanoda kuratidza vanofanirwa
kuuya nenguva, ”akadaro.
Chiratidziro chemazuva mana chichaitwa kubva munaGunyana 21 kusvika 24.
Musangano wezvekudya kwemangwanani webhizinesi uchaitwa neChishanu Gunyana 22 ichipa nzvimbo
yekuti makambani ataurirane uye agovane mazano ekusundira mberi mabhizimusi avo.
Mutambo wepagore uyu unopa makambani mukana wekutaura kune veruzhinji muManicaland nemhiri
mukuedza kusimudzira kuoneka kwemhando.
Muzvare Rusero vanoti chiratidzieo ichi chichavhurwa zviri pamutemo negurukota rezvematunhu
eManicaland Provincial Affairs and Devolution, VaMisheck Mugadza.
“Ichi chichava chiitiko chinonakidza chizere uye zvinodikanwa zvemunhu wese zvichazadzikiswa.
Tirikukumbira vagari vese vemudunhu reManicaland kuti vaungane kwaMutare Showgrounds
nenhamba dzavo kuitira kutandara kwavasingakanganwi. Tinofanira kupemberera kubudirira
kwepurovhinzi pamwe chete,” vanodaro.

Next Up