LOADING

Type to search

Agriculture Nehanda Guardian Provincial Newspapers

Kunaya kwemvura kokanganisa chirimwa chegorosi

Share

VARIMI vegorosi kubva munzvimbo zhinji dzemudunhu reMazowe vakasara vasina
mufaro nekuda kwekunaiwa kwegorosi ravo nemvura nemusi weMuvhuro iro vhiki
radarika.

Mumwe murimi ane gorosi rakanaiwa nemvura ndiVaKinglsey Lang, vekuMufenje
Farm kuConcession, avo vakarima mahekita zana nemakumi mashanu echirimwa
ichi (150 hectares).

Gorosi redu rakanaiwa nemvura svondo radarika nokuti hatisati tatanga kukohwa,
sezvo isati yanyatsooma zvinotarisirwa, asi svondo rino tinotarisira kutanga
kukohwa," vakadaro VaKingsley Lang.

Imwe kambani inoita zvekurima kuGlendale yeINAMO, iyo inorima iri paBauhinia
Farm itori mubishi kuhohwa gorosi kuitira kuti isazonaiwazve nemvura.

Chirimwa chegorosi chinorimwa munguva yechando mumazuva ekutanga
kwemwedzi waChivabvu. Kazhinji varimi vanozononoka kudyara gorosi ravo
mumwedzi uyu ndivo zvekare vanozosangana nedambudziko rekunaiwa
kwechirimwa ichi nemvura. Chirimwa chegorosi chinotarisirwa kubviswa mumunda
mumazuva mashoma ekutanga kwemwedzi waGumiguru kuitira kuti chikasvika
munaMbudzi chiri mumunda chinosangana nemvura yekudenga sezvo tinenge
tapinda zvizere mumwaka wekunaya kwemvura.

Zvisinei nekukasika kudyara chirimwa chegorosi nenguva, vamwe varimi ndovane
gorosi yakatooma kare asi havasi kukwanisa kukohwa chirimwa ichi nekuchimbidza
nekuda kwekuti havana mishina yokukohwesa gorosi iyo yakaita semakombaini
pamwe nemotokari hombe dzekutakurisa gorosi racho kuenda kunzvimbo
dzakakodzera kutengesera chirimwa ichi idzo dzakaita seGrain Marketing Board
(GMB), pamwe nemakambani anogadzira zvokudya vachishandisa gorosi.

Kuti zvivafambire, varimi ava vanotomirira vamwe varimi kana vapedza kushandisa
mishina iyi vozokwereta kuti vashandisewo, asi mukumirira kwavo vanenge
vachitosara zvakanyanyisa nenguva yemwaka wekurima.

Vamwe vevarimi ava ndovari kubatsirwa nehurumende nezvekushandisa kuti
vasarambe vachisarira shure munyaya dzekurima.

Chirimwa chegorosi ndechimwe chezvirimwa zvisingade kunaiwa nemvura sezvo
kunaiwa kwacho nemvura kunokanganisa chimiro chechirimwa ichi, izvo zvinozoita
kuti chizotengwa nemutengo wepasi-pasi uye zvisingazoenderana nemari dzinenge
dzakashandiswa nevarimi pakutenga mbeu, fetereza, mishonga, magetsi,mafuta
etarakita , kubhadhara vashandi pamwe nezvimwe zvinodiwa kuti bhizimusi
rezvekurima rienderere mberi, uye riunze pundutso kunyika yeZimbabwe iyo yagara
ine mukurumbira munyaya dzekurima kubva kare.