NaMarshia Mutambi
MARONDERA– Apo mwaka wekurima gorosi remuchando uri kuenderera mberi, dunhu reMashonaland East riri kutambira mikana nemikana inogona kusimudzira goho rekurima.
Nemahekita mazana mapfumbamwe ane gumi nemanomwe akarimwa kusvika pari zvino, dunhu iri rakaita mavambo ane tariro, kusvika pachikamu chezvikamu zvina kubva muzana chekudyarwa kwechirimwa ichi.
Kufambira mberi kwekutanga kwemwaka hwekudyarwa kwegorosi remuchando uku kunopa rumbonera rwekukwanisa kwemwaka une zvibereko uri mberi, zvichikurudzira tarisiro yemamiriro ekurima.
Pamafambisirwo ari kuitwa mabasa edunhu, Goromonzi ndiyo iri kutungamira nekudyara zvakanyanya nechikamu che2,7%, ichiteverwa neMarondera ne0,7% neHwedza ne0.5%. Huwandu uhu hunoratidza nzvimbo dzekuedza zvakanyanya uku zvichiratidzawo uko kumwe kutsigirwa kunogona kuwedzera hurongwa hwekudyara.
Pane zvinhu zvakawanda zviri kupesvedzera mitengo yekudyara pakati pevarimi. Imwe nyaya inocherechedzwa inguva yekubvisa mari yekutanga kurima iyo yanga ichinonoka.Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru weAgriculture and Rural Development Advisory Services (ARDAS) Mai Tetiwe Mupakwe vakati: “Kuwaniswa kwezvekushandisa mukurima nenguva kwakakosha kuti zvirimwa zvibudirire. Kuwanikwa kwemvura kunobatsiridza zvine hudzamu mukudyara kubudirira.
“Kuderera kwemvura munzvimbo dzemuno kune matambudziko akuri kuunza. Kugadzirisa nyaya iyi kuchave kwakakosha mukuwedzera kurimwa kwegorosi. Kukosha kwekubhadharwa kwemari nenguva kubva kuGrain Marketing Board (GMB) kunojekeswawo, sezvo rubatsiro rwechimbi-chimbi ruchigona kusimbisa kugadzikana kwevarimi munyaya dzemari.”
Phwerengedzo yebudiriro yegore rakapera, dunhu reMashonaland East rainve rakatara chinangwa chekurima gorosi remuchando mahekita 21 000 asi nekuda kwebata kwakadzama kwevarimi, hwaro uhwu hwakadarikwa sezvo mahekita pakazoguma pave nekurimwa kwemahekita 21 987.
Mhedzisiro yakanaka iyi inosimbisa mukana wekuenderera mberi kwekukura muchikamu chezvekurima ichi, kunyangwe zvazvo mwaka uno uri kusangana nematambudziko aya.
Kunyangwe hazvo paine zvimhingamupinyi zvekukunda, mamiriro akaita gorosi parimwa kuMashonaland East anoratidza matambudziko nemikana iri mberi.
Nekugadzirisa nyaya dzine chekuita nekuwanikwa kwezvekushandisa, mabasa ekurima, kuwaniswa kwemvura, nerutsigiro rwemari, dunhu rinokwanisa kuenderera mberi nekubudirira kurimwa kwekurima, richisimudzira kurimwa kwegorosi kune ramangwana rine tariro.