NaHeadrance Viga
MOUNT DARWIN – KUNE zvimwe zvinhu zvinoita kuti kana ukazvifunga so, unopererwa. KuTsakare Village C munzvimbo yeMount Darwin kuri kuonekwa mashura anosanganisira kuwanikwa kwetsvina yemunhu yakaitirwa mumba maLasten Mashange, ane makore makumi matatu nemashanu ekuberekwa (35).
Tichipinda pamongo wenyaya yacho zvine hudzamu; mumusha weTsakare Village C iko kwakare kuMt Darwin kune mharadzano iri pakati pemusha iyo iri kuonekwa mashura zuva- nezuva zvekuti vagari wenzvimbo iyi vaakugara vachitya nokuti zviri kuitika pamharadzano yacho zvinovhundutsa.
Mumwe akatsinhira chiitiko chemashura aya ndiNotice Mashange, ari mukoma waLasten Mashange uyo akati mumba memunin’ina wake parizvino maitirwa tsvina kanokwana katatu asi zviri zvemishonga nokuti ari kuita mashiripiti acho haasi kuonekwa.
“Semugari wenzvimbo yeTsakare Village C kuno kuMt Darwin ndinoti pane mashura mazhinji atiri kuona kuno ayo anosanganisira kuitirwa tsvina kwemukati memba yemunin’ina wangu,” uku kutaura kwaNotice Mashange.
Murume uyu akazoenderera mberi achiti munzvimbo iyi mune mharadzano iyo iri kuonekwa mashura zuva rakacheka nyika ari mashura anosanganisira kuonekwa kwetsvina yemunhu pamwe netsvina yembwa uye pamharadzano imwecheteyo pari kuonekwa matenga ehuku.
Mashura epamharadzano pacho anongosiyana-siyana zvekuti dzimwe nguva panoonekwa ropa asi risingazivikanwe kuti ropa racho rinenge rwatorwa kupi.
Mumwe vevagari venzvimbo iyi, anonzi Vengai Masawi akapupura kuti mashura aya ari kuitika mumusha uyu ndokuzoti pane munhu ari kufungidzirwa pamusha apa kuti ndiye ari kuita mabasa aya senzira yehoroyi.
“Pane munhu ari kufungirwa kuti ndiye ane mashura ose ari kuitika munzvimbo yeTsakare C Village,” akadaro Vengai Masawi.
Musha weTsakare Village C parizvino uri kunzi wakasaririra zvikuru tichienzanisa nedzimwe nzvimbo dzakautenderedza, uye zvose izvi zviri kunzi zviri kukonzerwa nehushereketwa huri kuitwa pamharadzano iri munzvimbo iyi.
Mumwe akatsanangura maringe nenyaya iyi, asi asingade kuti zita rake ringe riri muchinyorwa chino, akati vana vazhinji kubva mumusha uyu kusvika parizvino vakadzingwa kumabasa kwavaishanda nekuda kwemabasa ehuroyi ayo ari kuitwa mumusha uyu, uye akati vamwe vanhu wemumusha uyu kwavari kutsvaga goridhe havasi kuriwana nekuda kwehari dzine ropa idzo dziri kufuma dziri pamharadzano pacho.
Parizvino hapana matanho ati atorwa senzira yekupedza mashura aya, asi zvose izvi zvinogona kufumuka nekuti zvaakungotaurwa zuva-nezuva.
New Ziana