Madzimai emuKariba oshingirira kuredza hove

New Ziana > Telegraph > Madzimai emuKariba oshingirira kuredza hove

NaFortunate Gunde

KARIBA — Zvichirwadza, zvichirema, havana basa nazvo vanongoramba vakatsungirira chete madzimai emuKariba mubasa ravo rekuredza hove.

“Ko zvino kana ndikangogara kumba chete vana vacho vanodyei saka ndinotofanira kuramba ndakashinga zvakaomarara kuti zviite,” akadaro Loveness Chitiyo weku Nyamhunga 2.”

“Ndino mukira zvekuma 4 makuseni seni mazuva ose kuenda kudhamu. Tinofamba takawanda pakuenda kunoraura sezvo kunenge kuchine rima nguva dzatinobuda mumba. Munzira umu tinosangana nemvuu, nzou dzimwe nguva neshumba.

“Kana ndabata hove idzi, hapazi pose pandinotengesa ndichiwana mari nyore, pamwe pacho hove dzacho hadzitotengwe, ndogoshaya kuti chii chaizvo chiri kuda kumboitika kwandiri,” akadaro Chitiyo maziso achiyangarara misodzi.

“Kozotiwo mamwe mazuva aihwa zvinhu zvinenge zvichinyatso endeka, zvekuti ndega ndino sekerera.”

Chitiyo akaenderera mberi achiti arikukwanisa kubhadhara rent pamba paanogara, kutenga chikafu chevana nekuvaendesawo kuchikoro.

Sheila Machisa akati, “Kubva zvakashaya murume wangu, ndinotofanira kurwa ndimire nokuti hakuchisina mumwe murume achapindira mukubatsira vana vandakasiirwa ava. Nokudaro, ndinotoshingirira kuendesa vana vandakasiirwa kuchikoro, kuvatengera chikafu, kubhadhara rent nekuvaendesa kuchipatara kana varwara. Saka kuenda kudhamu kune bundutso mukati meupenyu hwangu.”

Tecla Domingo akati anomukirawo kudhamu sezvinongoita madzimai ose kunoraura hove achino tengesawo kuti awane cheuviri nokuti akasadaro hapana munhu achauya akamuitira zvinhu iye akagara chete.

“Hakuna chinouya chega iwe wakagara,” akadaro Domingo.

“Inini ndine market muno muKariba nekunze kunana Karoi, Chikuti, Alaska neMhangura. Saka ndinoraura asi kazhinji ndinotoita hove dzekuhodha. Ndinoenda kuma fishing camps kunana Nyaodza kuti zvichitondifambira zvakanaka.”

Domingo akaenderera mberi achiti arikukwanisa kuendesa vana vake vari vana kuchikoro vachito takurawo chikafu kuchikoro kwacho. Arikukwanisa kubhadhara rent paanogara.

“Ndinoona hupenyu hwakaita kakundirerukirawo mbichanawo zviri nani,” akadaro.

Most Popular