LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Madzishe nemasabhuku vokurudzirwa kutungamira kurwisa mhirizhonga mudzimba

Share

Madzishe nemasabhuku munharaunda dzakasiyana-siyana vanofanirwa kutora
danho remberi pakurwisana nenyaya dzemhirizhonga dzinoitika mudzimba kuitira
kuti matunhu ave nerunyararo.

Dr Aplonia Munzverengwi vanova Gurukota Rinoona Nezvekusimudzirwa
Nekufambiswa Kwemabasa mudunhu reMashonaland East vakatura mashoko aya
pakuparurwa kwechirongwa che16 Days of Activism Against Gender Based Violence
paMpatsi Secondary School kuChikomba munguva pfupi ichangodarika.

Pachiitiko ichi, vainge vakamiririrwa nemukuru anoona nezvezvivakwa
nekuchengetedzwa kwenharaunda, Bella Manyakara, uye vakati kune vanhu
vanonyangadza kana kushungurudza vanakomana nevanasikana vachihwanda
neminwe wekuti zviri mutsika dzavo uye kuita uku kunofanirwa kupedzwa zvachose.

Vakati: “Patiri kuparura chirongwa chino, ndinoda kukumbirisa kuti vatungamiri
vemunharaunda dzedu vanova masabhuku nemadzishe vabatsirise mukuumbiridza
nekukurudzira kuti vanhu vange vachigarisana zvakanaka mudzimba. Hatikurudzire
kurwisanana, kupopotedzana kana dzimwewo tsika dzinokonzeresa nyonga-nyonga
mumhuri. Tinozviziva kuti kune vanhu vanoshungurudza kana kukanganisa
vanakomana nevanasikana vachiti vanenge vachizviita muzita retsika dzavo asi
tinoti kuita kwakadai kunofanirwa kusvipirwa pasi imbwa dzinhonge.

“Mumagariro edu, tinofanirwa kufumura vose vanoita izvi nekuti kuita kwavo uku
kunokanganisa revechidiki vanova vatungamiri vamangwana. Vanofanirwa
kusungwa vopihwa mitongo inoenderana nemhosva dzavanenge vakoromora
zvisinei nekuti ndivanaani. Chivanhu chedu kana zvechitendero hapana
pazvakambokurudzira kuti vechidiki vashungurudzwe.

“Nekudaro, ndinodazve kupa kurudziro yekuti zvizvarwa zvose zvemunyika yedu
zvirwise nhau dzemhirizhonga nekumwe kuita kunonyangadza. Ngatigarofungei
nezvevasikana nemadzimai, zvanamai nehanzvadzisikana dzedu uye zvanababa
nehanzvadzikomana dzedu. Hatidi mhirizhonga mudzimba zvachose.”

Mukurwisana nenhau yemhirizhonga mudzimba, Hurumende yakatora matanho
nekupa zvisungo zvinobatsiridza kuti mwanasikana ange achiziva nezvekodzero
dzake uye ange achikwanisa kuzvisarudzira mamiriro aanoda kuti ramangwana rake
ringe rakaita.

“Mubandiko rezvedzidzo, tine chisungo chekuti mwanasikana anoramba achienda
kuchiko kunyangwe mushure mekunge abata pamuviri. Iyi ndeimwe yenzira
yekubatsira mwanasikana kuti akwanise kupedza zvidzidzo zvake kunyangwe
akanganisika zvinova zvinozoita kuti ave neramangwana rakanaka. Tinoona kuti

huwandu hwevanasikana vari kuroorwa kana kuroodzwa vari vadiki hwakakura
kudarika hwevanakomana vari kuitiswa zvemwechetezvo. Izvi ndizvo zvezvimwe
zvinozokonzersa kuti huwandu hwevanakomana vanokwanisa kupedza zvidzidzo
zvavo hunge hwakakura kudarika kudarika hwekudivi revanasikana.

"Mhedzisiro yazvo ndeyekuti vanasikana vanokurumidza kuroorwa kana kuroodzwa
vanozongoramba vari mukutambura nekuti vanenge vasina kuwana dzidzo kana
zivo iri maererano nehupenyu yakafanira zvinova zvinozovashaisa mabasa,
kuwanawo zvigaro zvehutungamira kana kuziva zviri maererano nezvehutano
hwavo,” Dr Munzverengwi vakadaro.

Mukuru wemapurisa mudunhu reMashonaland East, Commissioner Grace Ndou
vakakurudzirawo kuti vabereki vachengetedze vanasikana vavo, vovabatsiridza kana
kutsigira kuumba ramangwana ravo.

Vakatizve semapurisa, vachangoramba vachishanda kuedza kudzivirira kuparwa
kwemhosva munharaunda.

Commissioner Ndou vakati: “Semapurisa, tine zvirongwa zvakawanda zvatiri kuita
mukuedza kudzidzisa veruzhinji nenyaya yehuipi hwemhirizhonga mudzimba
nekuroodzwa kwevana vadiki.

“Sevabereki, mune basa guru rekuona kuti hupenyu neramangwana revana venyu
zvachengetedzeka. Garai muchiongorora mafambiro avo uye zvose zvavanoita zuva
nezuva.”