LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Mafaro oti mbombombo

Share

MUROMBEDZI – VAGARI vepa Murombedzi kwaZvimba vave kukurumidza kuenda
kunorara uye dzimwe nzvimbo dzekufarira nekutandarira munzvimbo iyi dzave
kuvharwa nekukasika zvapa kuti vanoshanyira nzvimbo iyi vave vashoma.
Murombedzi inzvimbo yaiyemurwa uye yaishanyirwa nevazhinji vachinofara
vachidzokera kumadhorobha.

Tvsakurudzo yakaitwa nebepa nhau rino munzvimbo iyi yakaratidza kuti nzvimbo zhinji
dzekufarira dzave kushanyirwa nevashoma pane zvaisimboitika kare.
Fine weather yangosara yakanaka midhuri nematombo aMwari anoyevedza kutarisa asi
mauro eMugovera wadarika pakakurumidzwa kuvharwa asi paitombozivikanwa
nekuchenerwa vanhu varipo.
PaParafin vanhu vashoma shoma vasinga sviki gumi ndivo vaigocha vachitandandara
asi havana kumbotora nguva refu panguva dzePfumbamwe painge patonyararwa
vanhu vatopera.

Mutongerwa Hotel yakakurumidzawo zvakare kuvharwa.
Rainbow iyo yakaita mukurumbira wakatyisa makore adarika yainge iine rima mukati
zvokuti hazvaioneka kuti ichiri kushanda here kana kuti yakasovhara kare.
Mumwe mutyairi wemotokari dzinotakura vanhu kubva paMurombedzi kuenda
kuChegutu akada kuzivikanwa nekunzi Tonde, akati aitakura vanhu kubva kuChegutu
kuuya paMurombezi kana kudzokera chero nguva asi akati mazuva ano ukaona nguva
dzenomwe dzasvika mota isati yazara kunenge kwatova kupedza nguva asi kuto mirira
zvezuva rinotevera.

Chimwe chidhakwa chisina kuda kudomwa nezita chakati doro racho harinakidzi kunwa
uri woga, saka mazuva ano hachichanyanyotambira kuzvitoro sezvo vanhu vave
kuuyako husiku vave vashoma.
Kubva kare Murombedzi inzvimbo yaisadanwa Anonzwa. Yaiunganidza vanhu vachifara
uye vanoshanya kumisha mizhinji kwaZvimba vaimira vachitandara paGrowth point
vasati vasvika kumisha yavo.

Matimu ebhora mazhinji anofamba achinotamba kunzvimbo dzakasiyana siyana
achidarika nemugwagwa weRobert Mugabe Road vanowanzobva kwavatambira
vachinozororora paMurombedzi vasati vadarikira kudzokera kwavanogara.
Vanhu vazhinji vanogara muChinhoyi vanofarira mafaro vaisapedza svondo vasina
kuronga kunotandarira kwaMurombedzi.

Munguva yeKorona pairambidzwa vanhu kufamba paMurombedzi paiwanikwa vanhu
vakawanda zvokuti mapurisa eko aipinda basa kuvharisa mabhawa vanhu vasingadi
kudzokera kudzimba, asi mazuva ano zvatopesana nezvaiitika kare mafaro ati
mbombombo.