More
    HomeProvincial NewspapersMafaro oti mbombombo

    Mafaro oti mbombombo

    Published on

    spot_img

    MUROMBEDZI – VAGARI vepa Murombedzi kwaZvimba vave kukurumidza kuenda
    kunorara uye dzimwe nzvimbo dzekufarira nekutandarira munzvimbo iyi dzave
    kuvharwa nekukasika zvapa kuti vanoshanyira nzvimbo iyi vave vashoma.
    Murombedzi inzvimbo yaiyemurwa uye yaishanyirwa nevazhinji vachinofara
    vachidzokera kumadhorobha.

    Tvsakurudzo yakaitwa nebepa nhau rino munzvimbo iyi yakaratidza kuti nzvimbo zhinji
    dzekufarira dzave kushanyirwa nevashoma pane zvaisimboitika kare.
    Fine weather yangosara yakanaka midhuri nematombo aMwari anoyevedza kutarisa asi
    mauro eMugovera wadarika pakakurumidzwa kuvharwa asi paitombozivikanwa
    nekuchenerwa vanhu varipo.
    PaParafin vanhu vashoma shoma vasinga sviki gumi ndivo vaigocha vachitandandara
    asi havana kumbotora nguva refu panguva dzePfumbamwe painge patonyararwa
    vanhu vatopera.

    Mutongerwa Hotel yakakurumidzawo zvakare kuvharwa.
    Rainbow iyo yakaita mukurumbira wakatyisa makore adarika yainge iine rima mukati
    zvokuti hazvaioneka kuti ichiri kushanda here kana kuti yakasovhara kare.
    Mumwe mutyairi wemotokari dzinotakura vanhu kubva paMurombedzi kuenda
    kuChegutu akada kuzivikanwa nekunzi Tonde, akati aitakura vanhu kubva kuChegutu
    kuuya paMurombezi kana kudzokera chero nguva asi akati mazuva ano ukaona nguva
    dzenomwe dzasvika mota isati yazara kunenge kwatova kupedza nguva asi kuto mirira
    zvezuva rinotevera.

    Chimwe chidhakwa chisina kuda kudomwa nezita chakati doro racho harinakidzi kunwa
    uri woga, saka mazuva ano hachichanyanyotambira kuzvitoro sezvo vanhu vave
    kuuyako husiku vave vashoma.
    Kubva kare Murombedzi inzvimbo yaisadanwa Anonzwa. Yaiunganidza vanhu vachifara
    uye vanoshanya kumisha mizhinji kwaZvimba vaimira vachitandara paGrowth point
    vasati vasvika kumisha yavo.

    Matimu ebhora mazhinji anofamba achinotamba kunzvimbo dzakasiyana siyana
    achidarika nemugwagwa weRobert Mugabe Road vanowanzobva kwavatambira
    vachinozororora paMurombedzi vasati vadarikira kudzokera kwavanogara.
    Vanhu vazhinji vanogara muChinhoyi vanofarira mafaro vaisapedza svondo vasina
    kuronga kunotandarira kwaMurombedzi.

    Munguva yeKorona pairambidzwa vanhu kufamba paMurombedzi paiwanikwa vanhu
    vakawanda zvokuti mapurisa eko aipinda basa kuvharisa mabhawa vanhu vasingadi
    kudzokera kudzimba, asi mazuva ano zvatopesana nezvaiitika kare mafaro ati
    mbombombo.

    Latest articles

    Hwange Celebrates 45 Years of Independence

    By Rutendo Mapfumo As thousands gathered in Nembudziya, Gokwe for the main Zimbabwe @45 Independence...

    Gokwe feasts as independence celebrations kick off

    Gokwe, (New Ziana) — In a major shift from tradition, the Government has moved...

    President Mnangagwa says gvt focussed on combating climate change

    Gokwe-Nembudziya, (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa has expressed concern over the increasing destruction...

    Man jailed 18 years for raping deaf woman

    Harare, (New Ziana) – A 23-year-old man has been convicted and sentenced to...

    More like this

    Hwange Celebrates 45 Years of Independence

    By Rutendo Mapfumo As thousands gathered in Nembudziya, Gokwe for the main Zimbabwe @45 Independence...

    Gokwe feasts as independence celebrations kick off

    Gokwe, (New Ziana) — In a major shift from tradition, the Government has moved...

    President Mnangagwa says gvt focussed on combating climate change

    Gokwe-Nembudziya, (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa has expressed concern over the increasing destruction...