LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Mazhanje owedzera chirwere

Share

MAZHANJE awonekwa seimwe nzira iri kuwedzera kufambisa chirwere chekorera
nokuda kwekuti vanhu havasi kugeza muchero uyu vasati vadya.
Chirwere chemanyoka ichi chinokonzerwa nekusavapo kweutsanana kana kudya
zvikafu zvisina kugezwa kunyanya michero inotengeswa pasina mvura yakakwana.
Vamwe vanofararira muchero uyo vanototaura kuti unonyatsovanakira kana vasina
kuaasi mumvura izvo zvinova zvimwe zvirikuita kuti hondo yekuparadza chirwere ichi
inonoke kukundika.
Mukuru wezvekufambiswa kwemashoko mudunhu reMasvingo VaRogers Irimai
vakati vanhu vanofanira kuti vadye zvokudya zvakagezwa kudzivirira kutekeshera
kwechirwere.
Chirwere ichi chanyanyobata kuZaka, Chiredzi, Gutu, Bikita neMasvingo. Nemusi
weChitatu svondo rapfuura Masvingo yakanga yava nevanhu vakabatwa nechirwre
ichi vanosvika mazana matanhatu nemakumi mana nemana (644) uye makumi
maviri nepfumbamwe (29) vakafa.
“Imwe nyaya yanetsa muno munyika medu nematunhu edu yeMasvingo inyaya
yemazhanje neimwe michero nekuti vanhu varikudya mazhanje vasina kumbogeza
kana kugeza maoko avo izvozvo zvinogona kukonzera kuti korera ipararire
zvakanyanya.”
“Kurudziro yedu ndeyekuti panodyiwa pose chinenge chambobatwa-batwa nevamwe
vanhu, vanhu vanofanira kutanga vachigeza iwo pachavo maoko avo
akashambidzikawo.Tinofanira kuti tidye chikafu chakachena kudzivira korera
nezvimwe zvirwere zvemanyoka.”
Munguva ino mazhanje ndiwo muchero unonyanya kutengwa nevanhu pamigwagwa
uye achiunza pundutso kuvanhu vazhinji.