More
    HomeChaminukaMbavha dzakaba kuDomboshava dzovhimwa

    Mbavha dzakaba kuDomboshava dzovhimwa

    Published on

    spot_img

    NaFelix Mwatutsa

    MARONDERA– Mapurisa anoti ari kutsvaga mbavha dzekuba dzichivhundutsira vadzakabira nechivhorovhoro svondo rakapera mubhuku raSabhuku Chironde, Mambo Chinamhora kuGoromonzi.

    Mashoko akatsinhirwa naInspector Simon Chazovachiyi vanova mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland East anotsinhira nezvechiitiko ichi, uye anoti tsvakurudzo dziri kufambira mberi kuitira kuti mbavha idzi dzibatwe dzosangana nemutongo wadzo.

    Zvinonzi izvo nemusi wa28 Gumiguru mangwanani, mapurisa akatambira mashoko ekuti pane makororo ainge aba pane mumwe musha achityisidzira vaakabira nepfuti. Makororo maviri aya, ayo asina kuzivikanwa, akaba nharembozha, mari inosvika kumadhora makumi manomwe nemashanu ekuUnited States of America, zvekudya uye nhumbi dzekupfeka.

    “Musi wa27 Gumiguru, vanhu vatatu vekurandwa nematsotsi aya – Melody Zvikaita (ane makore makumi matatu nemasere ekuberekwa), Ellen Ben (ane makore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa) pamwechete naObey Uswaware (ane makore gumi nemapfumbamwe ekuberekwa – vainge vakarara mumakamuri akasiyana.

    “Zvikaita akapeputswa neruzha rwakaitwa nefafitera rakapwanywa nembavha idzi dzichida kupinda mumba umu. Akaona varume vaviri asi zviso zvavo haana kuzvinan’anidza sezvo zvainge zvakaputiridzwa. Imwe yembavha idzi yakanongedzera pfuti kwaari ndokumuudza kuti avape mari, pave pashure kwakumuti arare pamubhedha nedumbu uye akatarisa pasi. Imwe yembavha idzi yakabva yamubira nharembozha yake yerudzi rweItel A56,” Inspector Chazovachiyi vakadaro.

    Mbavha idzi dzakazopekesha zvinhu mumba umu dzichitsvaga mari asi hapana chadzakakwanisa kuwana. Dzakazobuda mukamuri yaZvikaita dzichinanga kukamuri yaive naBen dzikanomunongedzerazve nepfuti. Nemhaka yekutyra hupenyu hwake, Ben akapa mbavha idzi nharembozha yake yerudzi rweStylo.

    Dzapedza naBen, mbavha idzi dzakaenda kukamuri yaUswaware dzikanobvonyongodza zvinhu zvakare ndokuba hembe dzine chitsamha nemari inosvika kumadhora makumi manomwe nemashanu ekuUnited States of America.

    Dzakazogumisira nekuimba yekubikira uko dzakanoba zvekudya ndokunyangarika. Zuva rakatevera, nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa uye tsvakurudzo dzayo dziri kufambira mberi.

    Latest articles

    Ronnie Mudhindo unveils genre-blending album

    Norman Dururu GWERU – After more than a decade of quiet reflection, reinvention and distance...

    Electricity lights up lives in Dorset

    By Dumisani Ndlovu SHURUGWI – The arrival of electricity in the Dorset Resettlement Area of...

    Zim congratulates Museveni on re-election as Ugandan President

    Harare, (New Ziana) – Acting President Kembo Mohadi, has sent a message of congratulations...

    Gaza Faces Worsening Humanitarian Catastrophe as Health System Nears Collapse

    Harare, (New Ziana)— The Gaza Strip is facing what health officials describe as an...

    More like this

    Ronnie Mudhindo unveils genre-blending album

    Norman Dururu GWERU – After more than a decade of quiet reflection, reinvention and distance...

    Electricity lights up lives in Dorset

    By Dumisani Ndlovu SHURUGWI – The arrival of electricity in the Dorset Resettlement Area of...

    Zim congratulates Museveni on re-election as Ugandan President

    Harare, (New Ziana) – Acting President Kembo Mohadi, has sent a message of congratulations...
    error: Content is protected !!