More
    HomeProvincial NewspapersMhembwe yoita muripo wechuru chemadhora

    Mhembwe yoita muripo wechuru chemadhora

    Published on

    spot_img

    CHINHOYI – VANOONA nezve kuchengetedzwa kwemhuka nemararamiro adzo munyika vakati
    mhuka dzesango dzinokosha kudarika dzinochengetwa pamba.

    Vachiparura mashoko avo kumusangano wavakaita muChinhoyi vakabatana neve makanzuru pamwe
    nevezve kuchengetedzwa kwenharaunda vakamirira vezvemhuka, VaProtect Mpofu, vakati kutodya
    hako mhuka yawakachengeta wega pamba kuri nani pane kuteya mhuka dzesango.

    Amai ava vakapamuenzaniso wembudzi vachiti inoita makumi matau emadhora asi mhebwe inoita
    churu zvisinei nokuti wabatwa negumbo kana nzeve yayo.

    Musangano uyu wakaburitsa matambudziko akawanda anechekuita nemhuka uye vanhu vave
    kunogara muzvimbo dzemhuka vachikanganisa mararamiro adzo.

    “Mhuka inonzi common duiker, kamhembwe ikokaya kanoita $1000, nzeve kana gumbo remhuka
    mari yacho imwe chete hazvinei nokuti munhu awanikwa aine chidimu chenyama yemhuka.
    “Munzvimbo yeDoma kuMhangura mhuka dzakaita seMhene, Mhebwe, Mhara neNhoro dziri
    panguva yakaoma sezvo dziridzo dziri kunyanya kuuraiwa dzichiitwa nyama nevanoba mhuka
    vakawanda,” akadaro Mpofu.

    Mamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo neve Parks and Wildlife ndeevanhu vanokukudza
    hove vachiba muma dhamu anoti Biri rinowanikwa muChinhoyi, Rainfield muMakonde uye
    Mazvikadei riri kwaZvimba, pedyo neBanket, munhaunda yeMashonaland West.

    Vanouraya mhuka zvisiri pamutemo, vanobatwa nemhoswa yekutyora murawo weChitsauko 59
    chezvekuvhima munyika.

    Kubata hove zvine mwero kunobvumidzwa asi munhu anofana kupiwa rezenisi nekanzuru, Agritex
    neve Parks avo vanoda makumi mashanu emadhora, ndivozve vanozopa mvumo kumhando uye
    ukuru hweusvasvi unoshandiswa kubata hove zvine maererano nemirawo yenyika ino.

    Mhosva zhinji dziri kuparwa, vanhu vanenge vachityora mirawo inowanikwa paChitsauko 20:14 uye
    mukana 362 wakapiwa muna 1990 panotaura zvine chekuita nezve masango nekuchengetedzwa
    kweNharaunda.

    Chitsauko ichi chinoshanda chakabatanidza mirawo yevanoita zvemamiriro ekunze vanonzi veEMA
    neve Forestry Commission vanoita zvemasango.

    Nyaya dzine chekuita nezvemhuka dzakamhan’arwa dzine chekuita neMapere, tanhatu ndedze
    makarwe, nonwe dzinechekuita neshato uye ina ndedze makudo.

    Nyaya idzi ndedze kumhan’arwa bedzi dzisinei nekufa kwevanhu.

    Panyaya dzemakarwe ndipo pane maviri akauraiwa rimwe racho rikachinjwa kwekugara.
    Vanopisa masango vazhinji vacho vanenge vachivhima mbeva uye vamwe vanenge vachimorauchi
    mimikoko yenyuchi.

    Kuparadza masango chinhu chakaipisisa sezvo miti yakaita semivanga, mipfuti nemimwe yose
    yesango inotora makore anosvika makumi maviri nema shanu kuti ikure.

    Pakapiwa kurudziro yekuti parikugadziriswa murawo unechekuita nezvemhuka masimba ngaaitwe
    kuti asungise makanzuru sezvo variivo vene vemadhamu asi vari kumaregerera vachiwanzira veParks
    basa.

    Latest articles

    Iran to unveil breakthrough anti-cancer vaccine in summer 2025

    Iran is set to introduce a groundbreaking anti-cancer vaccine in the summer of 2025,...

    Ṱhahalelo ya nḓisedzo ya maḓi yo no vha khedu khulwane kha vhadzulapo vha Beitbridge

    Walter Mambo Vhadzulapo vha Beitbridge vho bvisela khagala mbilaelo dzavho nga ha thaidzo ya maḓi...

    Roadside weavers sing the blues

    Business Chat with Victor Madzinga I had walked a couple of metres on, then something...

    Zimbabwe has enough grain up to next harvest – Muswere

    Harare, (New Ziana) – The country has enough grain to last up to the...

    More like this

    Iran to unveil breakthrough anti-cancer vaccine in summer 2025

    Iran is set to introduce a groundbreaking anti-cancer vaccine in the summer of 2025,...

    Ṱhahalelo ya nḓisedzo ya maḓi yo no vha khedu khulwane kha vhadzulapo vha Beitbridge

    Walter Mambo Vhadzulapo vha Beitbridge vho bvisela khagala mbilaelo dzavho nga ha thaidzo ya maḓi...

    Roadside weavers sing the blues

    Business Chat with Victor Madzinga I had walked a couple of metres on, then something...