LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Mhembwe yoita muripo wechuru chemadhora

Share

CHINHOYI – VANOONA nezve kuchengetedzwa kwemhuka nemararamiro adzo munyika vakati
mhuka dzesango dzinokosha kudarika dzinochengetwa pamba.

Vachiparura mashoko avo kumusangano wavakaita muChinhoyi vakabatana neve makanzuru pamwe
nevezve kuchengetedzwa kwenharaunda vakamirira vezvemhuka, VaProtect Mpofu, vakati kutodya
hako mhuka yawakachengeta wega pamba kuri nani pane kuteya mhuka dzesango.

Amai ava vakapamuenzaniso wembudzi vachiti inoita makumi matau emadhora asi mhebwe inoita
churu zvisinei nokuti wabatwa negumbo kana nzeve yayo.

Musangano uyu wakaburitsa matambudziko akawanda anechekuita nemhuka uye vanhu vave
kunogara muzvimbo dzemhuka vachikanganisa mararamiro adzo.

“Mhuka inonzi common duiker, kamhembwe ikokaya kanoita $1000, nzeve kana gumbo remhuka
mari yacho imwe chete hazvinei nokuti munhu awanikwa aine chidimu chenyama yemhuka.
“Munzvimbo yeDoma kuMhangura mhuka dzakaita seMhene, Mhebwe, Mhara neNhoro dziri
panguva yakaoma sezvo dziridzo dziri kunyanya kuuraiwa dzichiitwa nyama nevanoba mhuka
vakawanda,” akadaro Mpofu.

Mamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo neve Parks and Wildlife ndeevanhu vanokukudza
hove vachiba muma dhamu anoti Biri rinowanikwa muChinhoyi, Rainfield muMakonde uye
Mazvikadei riri kwaZvimba, pedyo neBanket, munhaunda yeMashonaland West.

Vanouraya mhuka zvisiri pamutemo, vanobatwa nemhoswa yekutyora murawo weChitsauko 59
chezvekuvhima munyika.

Kubata hove zvine mwero kunobvumidzwa asi munhu anofana kupiwa rezenisi nekanzuru, Agritex
neve Parks avo vanoda makumi mashanu emadhora, ndivozve vanozopa mvumo kumhando uye
ukuru hweusvasvi unoshandiswa kubata hove zvine maererano nemirawo yenyika ino.

Mhosva zhinji dziri kuparwa, vanhu vanenge vachityora mirawo inowanikwa paChitsauko 20:14 uye
mukana 362 wakapiwa muna 1990 panotaura zvine chekuita nezve masango nekuchengetedzwa
kweNharaunda.

Chitsauko ichi chinoshanda chakabatanidza mirawo yevanoita zvemamiriro ekunze vanonzi veEMA
neve Forestry Commission vanoita zvemasango.

Nyaya dzine chekuita nezvemhuka dzakamhan’arwa dzine chekuita neMapere, tanhatu ndedze
makarwe, nonwe dzinechekuita neshato uye ina ndedze makudo.

Nyaya idzi ndedze kumhan’arwa bedzi dzisinei nekufa kwevanhu.

Panyaya dzemakarwe ndipo pane maviri akauraiwa rimwe racho rikachinjwa kwekugara.
Vanopisa masango vazhinji vacho vanenge vachivhima mbeva uye vamwe vanenge vachimorauchi
mimikoko yenyuchi.

Kuparadza masango chinhu chakaipisisa sezvo miti yakaita semivanga, mipfuti nemimwe yose
yesango inotora makore anosvika makumi maviri nema shanu kuti ikure.

Pakapiwa kurudziro yekuti parikugadziriswa murawo unechekuita nezvemhuka masimba ngaaitwe
kuti asungise makanzuru sezvo variivo vene vemadhamu asi vari kumaregerera vachiwanzira veParks
basa.