Na Tongai Mashonga
KWEKWE – Gurukota rinoona nezvedunhu nekubudirira kwe Midlands Provincial Affairs vaOwen Ncube ashanyira chikoro cheChana B kuMbizo 21 ndokuparura chivako chitsva chekubhadhara mitero chekanzuru yeKwekwe kuMbizo 15.
Ose maviri aya mapurojekiti ekanzuru yeKwekwe ayo akanangana nekusimudzira dzidzo nekufambiswa kwemabasa zvakanaka.
Chikoro cheChana B; icho chinova munin’ina wechikoro cheChana Primary School kuMbizo 16 chapedzwa mabhuroko ekudzidzira ari kushandiswa nevadzidzi.
Kuvandudzwa kwechikoro ichi kwakanangana nekusimudzira nharaunda yekudzidza pamwe nekuderedza nhambwe inofambwa nevadzidzi kuti vawane dzidzo pamwe nekumanikidzika paChana Primary.
VaNcube vakati kuvandudzwa kwechikoro ichi kunozadzisa chinangwa cheSustainable Development Goal 4, icho chinokurudzira kuti dzidzo ivandudzwe.
Vanoti nekuchimbidza kukura kwaita nharaunda yeMbizo, Kanzuru yeKwekwe yakavaka chikoro ichi kuitira kuti vamwe vana vadzidzepo.
“Ndakaziviswa chokwadi kuti kuvakwa kwechikoro cheChana B kwakakonzerwa nechikonzero chekuti Chikoro cheChana chepakutanga changa chazara vadzidzi,” vanodaro.
VaNcube vakati mari inodarika US$165 000 yakabva kumari yeDevolution neyekanzuru yaiswa mukuvakwa kwechikoro ichi uye pari zvino budiriro huru yave kuitwa nehutungamiri ndeyekupedza mabhuroko maviri echizvino-zvino.
Zvivakwa zvezvimbuzi zvakapera uye kanzuru inoronga kuita danho rekupedzisira pamabhuroko aripo kugadzirira kuvhurwa kwechikoro zviri pamutemo.
Chana B ine vana 824 kubva paECD A kusvika giredhi rechinomwe. Vediredi 7 pari zvino vanonyora bvunzo dzeZimsec paChana Primary School, sezvo Chana B isina tsamba yeCentre Education Centre yebazi rePuraimari nesekondari.
Zvichakadaro, gurukota Ncube vaparura zviri pamutemo chivakwa chinobhadharwa mitero kuMbizo 15.
Nzvimbo iyi yechizvino-zvino ichasimudzira kuunganidzwa kwemari yekanzuru pamwe nekusimudzira mafambisirwo emabasa kuvagari.
Gurukota iri rakaombera Kwekwe hurongwa hwairi kuita mukugadzirisa mashandiro ayo.
“Ndinotenda Kanzuru yeKwekwe nekutambira chiono chenyika che2030 Planning and Control apo tiri kutevera pfungwa yeguta rakasimukira,” vakadaro vaNcube.
“Ini ndinogutsikana zvikuru nedanho reKwekwe rekupa vanhu rubatsiro rinoenda maererano nekumhanya kwemabasa.”
VaNcube vakati vakuru vematunhu muMidlands vanofanira kuwedzera simba ravo mukuwanisa masitendi ekutengesera, zvimbuzi zveveruzhinji, makiriniki nezvipatara idzo dzinova nzvimbo dzinonyanya kukosha mukurarama kwevanhu.
Gurukota iri rakashanyirazve kiriniki iri kuvakwa nekanzuru yeKwekwe kuMsasa Park.
Vakurudzira vagari, makambani akazvimirira pamwe nemamwe mapoka kuti varambe vachitevedzera kubhadharwa kwemitero yekanzuru kuitira kuti mabasa avandudzwe.
Mukuru weguta reKwekwe, VaAlex Zinhanga vanoti kuvakwa kwehoro inobhadharirwa mitero kwabudirira nekuda kwekubatana kwakaita vanhu vanoshandira kanzuru iyi.
Mbizo parizvino ine nzvimbo nhatu dzinobhadharwa mitero kuMbizo 1, Mbizo 12, neMbizo 15.
Izvi zvichaita kuti vagari vasafamba nzendo refu kunobhadhara mitero uye kumira kwavo vari mimitsetse kunoita kudiki.
New Ziana