LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Moto mupengo woparadza mafuro

Share

MHANGURA – MAFURO oparadzwa nemoto mupengo uri kungoitika munharaunda
yeMhangura izvo zvichazopa kuti kuve nedambudziko munguva iri kutevera.
Purazi re100 Ants Farm riri mumugwagwa unobva munharaunda ine mugodhi
weMhangura uchienda kuDoma pane nzvimbo yemafuro ingangosvika zana rema
hekita rakatsva nemoto usina kuzivikanwa akautanga.
MuDoma makare, papurazi rinonzi Summer Hill pane nzvimbo huru zvakare yakatsva
nekuda kwemoto mupengo zvokuti mombe dzichapinda panguva yakaoma dzave
kufamba chinhambwe kunotsvaka mafuro.
Kupurazi rinonzi Mitiana Farm, vatapi venhau vebepa rino vakaona marimi emoto
waibvira papurazi iri, moto uyu waimhanya zvinotyisa zvokuti veruzhinji vaingotarisa
vachishaya pokutangira. Waitoshaya anodzima.
Rumwe rutivi rweKismet Farm rwakatsva nekudakwemoto wainge wasiiwa nevana
vaivhima mbeva asi hauna kuzoenda kure sezvo chimwe chikamu chaigona kunge
chakatsva chaive mhiri kwerwizi saka moto hauna kuzoyambukira mhiri.
Nyaya yemoto mupengo iyo inongotangwa nevanhu vasina hanya yave kutemesa
musoro vagari venzvimbo iyi sezvo zvinhu izvi zvichigaroitika nguva nenguva.
Mukuedza kupayambiro nezve kuipa kwekutanga moto mumwaka uno vezve
kuchengetedzwa kwenharaunda vanogaro isa mashoko ekurudziro muma pepanhau
svondo roga roga vachipa yambiro kuruzhinji.
Takatadza kubata Mambo Magonde, varidzi venharaunda idzi sezvo mbozha nhare
yavo yaisabatika.
Mambo Chidziva, avo vakazvarwa vachinzi Sheppard Majinjiwa, vakaganhura
navaMagonde vari imwe mhiri yaHunyani vakati munharaunda yavo moto mupengo
yadzikira zvokuti uye gomo rinonzi Maringambizi harisati ratsva asi gore negore
rinogara rakatsva panongosvika mwaka wokupisa.
Mambo Chidziva vakazotizve vakatonga vanhu vatatu mwedzi uno nenyaya dzemoto,
vakati husiku weMuvhuro wadarika vanhu vavo vakamuka vakadzima moto wainge
usina kuzivikanwa kuti watangwa nani, pasina kure kwawanga waenda.
Zvimwe zvezvinetso zvinokonzerwa nemoto mupengo zvinosanganisira kuuraya mhuka
dzesango kupedza mafuro, uye kuparadza misha kana kutora hupenyu hwemunhu
chaihwo.

Mumwe sapurazi wechichena anogara muChinhoyi akatotanga kutengesa uswa
hwemafuro uhwo hwaari kuita pondo chitsumbu chimwe chete.
Chitsumbu cheuswa kana chegorosi chingangosvika makirogiramu gumi sapurazi uyu
ari kuzvitengesa nemutengo umwe chete
Vanhu vekuMhangura kuti vasvike pari kutengeswa uswa uhwu vanotoda pondo shanu
kuenda nekudzoka vasati vataura zvemari yekutenga uswa neye kutakurisa.

Previous Article
Next Article

Next Up