LOADING

Type to search

Provincial Newspapers The Times

Motokari itsva nhatu dzinodzimura moto dzopiwa guta reGweru

Share

SHONA—Vagari veGuta reGweru vari kufara zvikuru zvichitevera kuwedzerwa kwemotokari
dzinodzimura moto nhatu kuti dzibatsire kurwisa dambudziko remoto iro ranga ranetsa munguva
yadarika zvichikonzera kuparara kwemidziyo uye kukurirwa kwemuchini mumwe chete wanga uripo.

Motokari dzinodzimura moto idzi dzakagoverwa kubva kuzana nemakumi matatu ane nhatu
dzakatengwa nehurumende kubva kuBelarus pasi pechirongwa chekupa michini yekusimudzira
kubatsirika kwevanhu kubva kuvamiririri venharaunda nekuita kuti basa nechivimbiso
chekuchengetedza veruzhinji zvifambe zvakanaka.

Guta reGweru rine vanodzimura moto makumi mashanu neumwe chete tichiverenga pamwe nevakadzi
vasere. Pane vanodzimura moto ava, makumi matatu nevaviri ndevechidiki.

Mugari wemuMutapa, Aaron Pazvakavambwa, sachigaro weKomiti yeBudiriro muWadhi 18, vakatenda
Hurumende nechiitiko ichi vakakurudzira veKanzuru yeGuta kuti vashande nesimba mukugadzirisa
kufambiswa kwemvura yekudzimurisa moto.

Sevagari veGuta, tiri kufara nekutambira motokari dzinodzimura moto nokuda kwekuti Gweru yainge
iine motokari inodzimura moto imwe chete yanga iine matambudziko mukupa rubatsiro rwakakwana.

Zvichakadaro, tinoda kukurudzira veKanzuru yeGuta kuti vapedze dambudziko rekufambiswa kwemvura
nokuda kwokuti motokari dzinodzimura moto hadzikwanise kushanda pasina mvura,” vakadaro VaAaron
Pazvakavambwa.

Gurukota reHurumende mune zvekufambiswa kweDunhu neMari dzeMatunhu mudunhu reMidlands,
VaOwen Ncube vakasvitsa motokari dzinodzimura moto nhatu dzakatengwa nemari dzeMatunhu
nomusi weChitatu.

Vakatenda Ripabhuriki yeChipiri nekubatsira mukusimudzira kufambiswa kwemabasa anobatsira
veruzhinji sezvo Gweru yave nemotokari dzinodzimura moto ina.

Kubvira pakagoverwa Mari dzeMatunhu neHurumende muna 2019, Kanzuru yeGuta reGweru
yakatambira mamiriyoni $634 ZW. Ndinofara kutaura kuti Kanzuru yeGuta reGweru yave nemotokari
dzinodzimura moto idzo dzichabatsira mumabasa anobatsira Guta nevakarikomberedza,” rinodaro
Gurukota reHurumende.

Kubva kune Mari dzeMatunhu dzakagoverwa, Gweru yakatenga zvakare mapambu mana anoshandisa
simba shoma neanoshandisa simba zhinji netiranzifoma imwe chete yenzvimbo yeGwenero. Zvimwe
zvinhu zvekushandisa zvakatengwa kubva kuMari dzeMatunhu zvinosanganisira motokari yekufambisa
varwere imwe chete, motokari yekutakura marara, tipa, tarakita, muchina unoshandiswa kugadzira
migwagwa nemidziyo zana negumi nemina (114) yekutora moto wemwenje yemumigwagwa kubva
kuzuva muGuta iyo ichiri kuenderera mberi.

Gurukota reHurumende vaNcube vakaona kuti Hurumende yakawedzera mari inotarisirwa kushandiswa
mugore ra2024 yenyika kuti ivandudze mabasa anobatsira veruzhinji, vakayambira veKanzuru yeGuta
pamusoro pekubhadharisa mari iri pamusoro kuburikidza nekufungidzira mibhadharo.

“Vagari veGweru vanoda kuona chavanobhadharira mari kuvamiririri venzvimbo. Zvakadai, vamiririri
venzvimbo vanofanira kuziva zvemabhadhariro avo zvichibva pamataridzikiro azvinoita pamamita avo
emvura kwete kufungidzira kuitira kuti vagari vabhadhare zvinoenderana nemashandisiro avo. Maitiro
aya anoita kuti vagari vavimbe, vave nehukama hwakanaka, vasimudzire ukama nokubatana
mukushandidzana neveKanzuru, pavanenge vachishanda vakatarisana nekuvaka Guta mubudiriro
yavanoda,” Gurukota reHurumende rakadaro.

Vakasanobata chigaro cheMunyori weGuta, VaLivingston Churu vakavimbisa kuti Kanzuru yeGuta
reGweru icharamba ichipa nyemwerero kuvagari uye kuti vanodzimura moto vavo vakadzidzira basa
vacharatidza unyanzvi hwavo.

Tinoda kupa nyemwerero kuvagari zvichienderana neGwara reMutungamiriri weHurumende. Tichange
tichipa zvinhu zvekushandisa pazvinenge zvichidiwa uye zvimwe zvizhinji zviri kuuya. Ichi ndicho
chivimbiso chedu kwamuri patave kuwana zvibereko kubva kuMari dzeMatunhu.

Tine vatinoshanda navo vanoshanda zvakasimba chaizvo. Tine pekudzidzisira pakanaka panzvimbo
yezvekudzivirira kupararira kwemoto, tichiziva kuti vadzimuri vemoto panguva yakamanikidzika
vanodzidza nguva dzose uye zvakavandudzwa,” vakadaro VaNcube pamusoro pekukwanisa kweGuta
mukurwisa dambudziko remoto munguva inouya.

Nyaya iyi yakaturikirwa kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
Language Institute