Mufi oitira mudzimai wake shanje

New Ziana > Local News > Mufi oitira mudzimai wake shanje

NaHeadrance Viga

CONCESSION — Mumusha weDandamera kuConcession kune mashura ariko apo Vimbai Murefu (32) akafirwa nemurume wake mugore ra2024 asi zvinoshamisa ndezvekuti murume wacho achiri kuitira mudzimai uyu shanje idzo dzamushaisa mufaro.

Zviri kuitika ndezvekuti murume waVimbai akafa kare asi ari kupota achiitira mukadzi uyu shanje idzo dzakuita kuti iye Vimbai atadze kuroorwa. Semudzimai wechidiki uyo ane shungu dzekuda kuroorwa, Vimbai anoti akapinda mumba nemurume waanenge achishamwaridzana naye, murume wacho ndokuridza mhere achiti “ndasunywa, ndarohwa” kana kuti “ndasundidzirwa nechinhu chinenge munhu”.

“Ndine dambudziko rekuti ndikadanana nemurume anotorohwa kana kusunywa nechinhu panguva yatinenge tichifara kunyanya husiku izvo zviri kuita kuti varume vasuduruke pandiri,” akadaro Vimbai.

Nekuda kwedambudziko rake iro rakatanga gore rakapera, Vimbai afamba kuvabatsiri vakasiyana-siyana zvichiita sezvapera asi zvichidzoka zvekare.

“Handisi kugara pasi uye kwandiri kufamba ndiri kunzi ndakaiswa chikwambo nemurume wangu icho chisingade kuti vamwe varume vasvike pedyo neni tichiita zvebonde. Zvose zviri kutaurwa kwandiri kufamba ndinozvibvuma nokuti murume wangu akange ane shanje dzekusada kundiona ndichitaura nevamwe varume nyangwe paakange asati afa,” anodaro.

Varume vakadanana nemudzimai uyu vachisangana nedambudziko rekurohwa pamwe nekusunywa husiku vanodarika vatatu uye kutaura kuno vose vakatosuduruka pamudzimai uyu.

“Ndakambodanana naVimbai munguva yadarika asi ndaiti ndiri mumba make ndainzwa kuita sokunge ndiri kusunywa nechinhu asi ndikabuda panze zvaibva zvapera uye ndozvakazoita kuti ndisiyane naye,” akadaro mumwe murume uyo akaramba nezita rake kuti rinyorwe munyaya ino.

Mashura ekumba kwaVimbai akapupurwa zvekare naKelvin Chitombo uyo akati Vimbai akagadzirwa uye ane zviri paari.

“Vimbai akange ari shamwari yangu asi takazopesana nekuti mudzimai uyu ane zviri paari. Ndaiti kana ndiri mumba make ndainzwa sokunge pane munhu ari kundisaidzira panze uye izvi zvakaitika kwandiri kwakawanda,” akadaro Chitombo.

Amai waVimbai avo vanonzi Mai Chenesai Murefu vakati chimwe nechimwe chine magumo acho uye vakati vari mushishi kutevedzera zvose zvinoda kuitwa nechinangwa chekuda kuganhura dambudziko remwana uyu kuti akwanise kuroorwa oitawo mhuri yake sezvo akangosiiwa nemurume wake aine mwana mumwe chete.

“Ndicharamba ndichifamba nemwana wangu kuti dambudziko rake ripere zvachose nokuti nezera rake achiri mudiki uye anoda kuroorwa,” vakadaro Mai Murefu.

Nyaya yemudzimai uyu yabva yaita chishamiso chikuru munzvimbo yeConcession izvo zvasiya varume vazhinji mumusha uyu vasina tariro yekumupfimba.

“Kana zvikanzi vakadzi zvapera handingadanane nechikwambo chakadaro,” akadaro mumwe murume wekuHighWood makare muConcession.

Most Popular
error: Content is protected !!