More
    HomeIndonsakusaMurume anofira mudhamu kuIgava

    Murume anofira mudhamu kuIgava

    Published on

    spot_img

    MARONDERA- Muchiitiko chinosuwisa zvikuru chakaitika munguva pfupi
    ichangodarika, mumwe murume anonzi Alfred Muzanenhamo ane makore makumi
    matanhatu (60) akawirwa netsaona huru iyo yakasiya ruzhinji rwedhorobha
    reMarondera rusina chekutaura.

    Muzanenhamo aigara kuRusike Phase 3 uye aive mushandi pachipatara
    cheMarondera General Hospital ari mukoti. Zvinonzi izvo mushakabvu uyu
    akatorana nevamwe varume vaviri vaine chinangwa chekunoredza hove mudhamu
    rinonzi Mutemwa munzvimbo yeIgava kuMarondera East.

    Vatatu ava vanonzi vaishandisa kanara pakuredza hove mudhamu umu uye
    pakazoita chimhepomupengo kana kuti chamupupuri chakangoerekana chasimuka
    ndokusimudza mvura zhinji iyo inova yakazoita kuti kanara revarume vatatu ava
    rizonyura.

    Mushure mekunge kanara ranyura, varume vaviri pahutatu hwavo vanonzi
    vakakwanisa kushambira ndokubuda mudhamu umu asi Muzanenhamo haana
    kubudirira.

    Mapurisa emunzvimbo yeIgava akazoziviswa nezvechiitiko ichi ndokuendako
    nechinangwa chekuona kuti vaizobatsira sei kutsvaga murume uyu akange anyura
    mudhamu.

    Mutumbi wemushakabvu wakazowanikwa mushure memazuva maviri
    ndokuzotakurwa uchiendeswa kuchipatara cheMarondera Provincial Hospital kuti
    ugozoongororwa nanachiremba kuti hapana chimwe change chaita kuti afe here.

    Inspector Simon Chazovachiyi vanova mutauriri wemapurisa muMashonaland East
    vakatsinhira chiitiko ichi vakakurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutambira
    munzvimbo dzine mvura dzinonyudza sezvo paine mukana mukuru wekuti vanogona
    kungonyura vorasikirwa nehupenyu.

    Vakati: “Mvura yakanaka chete ichinge iri mumuviri wemunhu asi kana ichinge iri
    panze yakaipa zvikuru.Hatikurudzire vanhu kuti vange vachitambira munzvimbo
    dzine mvura vasina zvinovadzivirira kubva kwairi zvakakwana. Tinokurudzirazve kuti
    kana dambudziko rakadai richinge raitika, veruzvhinji havafanirwe kuzviita vazivi
    vakuru panhau dzekunyurura vanhu kubva mumvura sezvo izvi zvichingokwanisa
    kuitwa nebandiko remapurisa reSub-Aqua rine vakadzidzira kuita izvi.

    “Kana dambudziko remhando iyi richinge rawira vanhu, vanofanirwa kutsvaga
    rubatsiro kubva kumapurisa edu eSub-Aqua Unit.”

    Latest articles

    Cost of Doing Business Falling as Government Streamlines Licensing System

    Bulawayo,  (New Ziana)-As part of broader efforts to stimulate investment and industrial growth, the...

    Hwange Stretch Now Open as Victoria Falls Highway Rehabilitation Advances

    By Patience Shawarira Work is progressing steadily on the Victoria Falls Highway road rehabilitation, with...

    ZIMSTAT launches 2025 ICT access and usage survey

    Harare,  (New Ziana)- The Zimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT), in partnership with the Postal...

    Honde Valley Smallholder Banana Farmers Eye Bigger Supply Role

    By Johnson Siamachira Harare,  (New Ziana) – Small-scale farmers in Zimbabwe drive the agricultural economy,...

    More like this

    Cost of Doing Business Falling as Government Streamlines Licensing System

    Bulawayo,  (New Ziana)-As part of broader efforts to stimulate investment and industrial growth, the...

    Hwange Stretch Now Open as Victoria Falls Highway Rehabilitation Advances

    By Patience Shawarira Work is progressing steadily on the Victoria Falls Highway road rehabilitation, with...

    ZIMSTAT launches 2025 ICT access and usage survey

    Harare,  (New Ziana)- The Zimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT), in partnership with the Postal...
    error: Content is protected !!