LOADING

Type to search

Indonsakusa Provincial Newspapers

Murume anofira mudhamu kuIgava

Share

MARONDERA- Muchiitiko chinosuwisa zvikuru chakaitika munguva pfupi
ichangodarika, mumwe murume anonzi Alfred Muzanenhamo ane makore makumi
matanhatu (60) akawirwa netsaona huru iyo yakasiya ruzhinji rwedhorobha
reMarondera rusina chekutaura.

Muzanenhamo aigara kuRusike Phase 3 uye aive mushandi pachipatara
cheMarondera General Hospital ari mukoti. Zvinonzi izvo mushakabvu uyu
akatorana nevamwe varume vaviri vaine chinangwa chekunoredza hove mudhamu
rinonzi Mutemwa munzvimbo yeIgava kuMarondera East.

Vatatu ava vanonzi vaishandisa kanara pakuredza hove mudhamu umu uye
pakazoita chimhepomupengo kana kuti chamupupuri chakangoerekana chasimuka
ndokusimudza mvura zhinji iyo inova yakazoita kuti kanara revarume vatatu ava
rizonyura.

Mushure mekunge kanara ranyura, varume vaviri pahutatu hwavo vanonzi
vakakwanisa kushambira ndokubuda mudhamu umu asi Muzanenhamo haana
kubudirira.

Mapurisa emunzvimbo yeIgava akazoziviswa nezvechiitiko ichi ndokuendako
nechinangwa chekuona kuti vaizobatsira sei kutsvaga murume uyu akange anyura
mudhamu.

Mutumbi wemushakabvu wakazowanikwa mushure memazuva maviri
ndokuzotakurwa uchiendeswa kuchipatara cheMarondera Provincial Hospital kuti
ugozoongororwa nanachiremba kuti hapana chimwe change chaita kuti afe here.

Inspector Simon Chazovachiyi vanova mutauriri wemapurisa muMashonaland East
vakatsinhira chiitiko ichi vakakurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutambira
munzvimbo dzine mvura dzinonyudza sezvo paine mukana mukuru wekuti vanogona
kungonyura vorasikirwa nehupenyu.

Vakati: “Mvura yakanaka chete ichinge iri mumuviri wemunhu asi kana ichinge iri
panze yakaipa zvikuru.Hatikurudzire vanhu kuti vange vachitambira munzvimbo
dzine mvura vasina zvinovadzivirira kubva kwairi zvakakwana. Tinokurudzirazve kuti
kana dambudziko rakadai richinge raitika, veruzvhinji havafanirwe kuzviita vazivi
vakuru panhau dzekunyurura vanhu kubva mumvura sezvo izvi zvichingokwanisa
kuitwa nebandiko remapurisa reSub-Aqua rine vakadzidzira kuita izvi.

“Kana dambudziko remhando iyi richinge rawira vanhu, vanofanirwa kutsvaga
rubatsiro kubva kumapurisa edu eSub-Aqua Unit.”