LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Mutambi wenhabvu wosungirwa mutoriro

Share

CHINHOYI – Mumiriri wechikwata Chegutu Pirates akawira munataisireva apo
akasungwa ari munhandare yeChinhoyi.
Simba Dimingo akabuditswa apo akasabhurwa nemurairidzi wake Emmanuel Day Gutu
pamutambo wavo neChinhoyi stars uko vakange vashanya kumutambo weNorthern
Region danho rechipiri munezve mutambo yenhabvu munyika.
Mutambi uyu akaenda kunochinja mhumbi dzake obvisa dzemunhandare paakabuda
muimba yokuchinjira akabva agara hake padandare ave kuwokera vamwe vake
vachipedzesa mutambo kwenguva yainge yasara.
Dimingo akabva atanga kunwaa zvinodhakwa zvisingabvumidzwi nemurawo yenyika,
chimwiwa chaaimwa chinozivikanwa nevechidiki chichinzi mutoriro kana kuti dombo.
Mumiriri wevatambi uyu akazoshamisika akombwa nemapurisa anoita zvemutoriro
vanonzi muchirungu drug squad avo vainge vakapfeka zvipfeko zvisiri zvebasa
ndokutarisa muhomwe dzake ndokumubata aine tubhotoro tuviri.
Pakarepo mutambi uyu akabva aiswa ngetani ndokupinzwa muneimwe imba
kwakuzoendwa naye kuchizarira pakapera bhora. Chikwata chake chakazvambaradza
Chinhoyi Stars nechibodzwa chimwe chete pasina kudzosera.
Kusungwa kwemutambi uyu hakuna kufadza vatsigiri veChegutu Pirates avo vaida kuita
bongozozo asi vakazongoona kuti mapurisa acho vainge voita zvebasa ravo.
Vakuru veChegutu Pirates vakabva yanogara musangano nezve nyaya yemutambi uyu
vakabva vaona zvakakodzera kuti vambomumisa kutamba bhora kusvika acheneswa
kumatare.
Dimingo achibva kumatare edzimhosva dare rechikwata ichi rinoita nezve tsika
nehunhu rakamumirira zvakare.
Chegutu Pirates yakanyora nezve mhoswa iri kupomerwa mutambi wavo padande
mutamde ravo reFacebook vachizivisa kuti mutambi uyu anenyaya dzaari kupomerwa
dzaanofana kusangana nadzo.
Nhandare yeChinhoyi iri kuvakwa kirinika inoongorora vatambi vanoshandisa zvimwiwa
zvisingabvumidzwi. Kirinika dzemhando idzi dzinowanzo kosheswa mumitambo
yedanho repamusoro munyika yeZimbabwe.
Nyaya dzemutoriro dzashungurudza vanhu vakawanda zvasvika pakuti mhuri
dzirasikirwe nemazimari vachiendesa vana vavo kunorapwa, avo vanenge vorasika
njere nenyaya yekunwa zvinodhaka zvisinga bvumidzwi munyika.

MuZimbabwe mhuri imwe neimwe ine munhu mumwe chete anomwa zvinodhaka,
ongororo iyi inosanganisira vose vanhu vanomwa chose chinonzi chinodhaka
zvinobvumidza nemitemo nezvisingabvumidzwi.