LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Muudzimai opisa imba yechikomba

Share

MUDZIMAI wekuMucheke, kuMasvingo, wakapisa imba yechikomba chake svondo
rapfuura mushure mekunge arasiswa apa iye ava nepamuviri poda kusvika.
Zvinonzi musi wa9 Gunyana masikati, Christina Maota (30), akaenda kumba
kwemukomana wake, Tapiwa Mhuru (37), kuti anotora mari yekutenga zvinhu
zvegadziriro yemwana sezvo aine pamuviri.
Maota akasvika pamba paMhuru, uyo aive agere nevana vake vaviri, umwe ane
makore masere umwe ane makore mashanu.
Mutauriri wemapurisa muMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vakati vaviri ava
havana kunzwisisana zvikakonzera kakusawirirana zvakati kuti Mhuru audze
musikana wake kuti vaende kumba kwake kunonyatsoonesana nezvenhaurwa iyi.
Vaviri ava vakafambidzana kusvika paCraft Centre, Mhuru akatiza
nemuzvimakwenzi achisiya Maota amire oga. Maota paakazviona kuti abatiswa pasi
akadzokera kumba kwechikomba chake akaona vana vaviri vaye vachitamba panze.
Akapinda mumba akatorera banga akacheka cheka masofa akanotora chikuni
chemoto panze akapisa mumba umu. Akapisa midziyo inoti masofa, wadhiropu,
dzimudzangara yerudzi rwe32 inch Samsung, firiji yerudzi rweCapri, machira
nezvimwe zvekushandisa pakubikisa.
Akatora vana akaenda navo kumba komunin'ina wake iye akabva aenda kumba
kwake.
Pakaita batai batai mukadzi waMhuru paakasvika achiiona midziyo yake
yaparara.Akachimbidza kunomhan'ara nyaya yake kumapurisa zvakakonzera
kusungwa kwaMaota.