LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Mwana okuvadzwa nehari

Share

CHEGUTU – MUMWE mwanakomana ane gore nechidimbu rekuberekwa akakuvara
zvakaipisisa mushure mekunge abheukirwa nehari yemutakura yaiva pamoto
svondo rapera.
Mwana uyu anonzi ainge asiwa kumba kwatete vake amai vachienda kunoputitsa
maputi ekuzotengesa. Mwana uyu akatsva kunyanya rutivi rweruboshwe
zvekutokwapuka ganda.
Parizvino ari mune chimwe chipatara chihombe maanonzi ari panguva yakaomarara
chaizvo. Mwanasikana akasiirwa mwana uyu, uyo akuita fomu yechitatu pane
chimwe chikoro mudhorobha muno, aisakwanisa kutsanan gura kuti
zvakambofamba sei kuti mwana asvike pamoto.
Musikana uyu chaaigona kupfikura chete pasina kana shoko rimwe raibuda paari.
Vagarisani vanoti vakangonzwa mwana kuridza mhere inotyisa.Mhere yakaridzwa
nemwana inotyisa zvokuti munhu wese akamhanya kuda kuona kuti chii. Takawana
mwana ari mukati memutakura wainge uchikwata zvokuti mwana akwapuka iyeye.
Takazoenda naye kuna ambuya vake vanogara pedyo pedyo ndokubva vamhanya
naye kuchipatara, vakadaro mai Phiri.
Amai vemwana uyu, avo vanozivikanwa nezita rokuti amai Jazire, vakazotevera
kuchipatara uko vakawana mwana atova mumaoko avana chiremba.
Baba vemwana uyu vanonzi vainge vafamba rwendo rwechechi yavo pakaitika
chiitiko ichi.

Vatauri vazhinji vanoti rutsva rwemvura rwunodzika nenyama dzomuviri zvokuti
mwana anogona kunge akatokuvara zvokusvika mumapfupa.
Mvura inopisa inoibvisa nyama dzomuviri zvokuti mwana uyu anotozogona
kurarama nourema hupenyu hwose. Kukuvara uku kunodaro kwakasvika
kumabhonzo chaiko, mumwe murume akataurawo kudaro.
Amai vanyakukuvara vanonzi havasi kuda kuti vanhu veruzhinji vaende kuchipatara
kunoona mwana wavo. Vanonzi havasi kuda kana veukama wepedyo chaivo kuti
vaone mwana wavo.
Veruzhinji vanogara vachiudzwa kuti vachengetedze vana kubva kunjodzi dzakasina
siyana.

Next Article

Next Up