More
    HomeChaminukaNACZ yodyidzana nema gweta

    NACZ yodyidzana nema gweta

    Published on

    spot_img

    NaMarshia Mutambi

    MARONDERA– Nekuda kwedanho rakatorwa nebazi rezvemitambo, sangano reNational Arts Council of Zimbabwe (NACZ) razivisa hurongwa hwekudyidzana nemagweta eDNM Attorneys kuitira kuti ikwanise kupa rubatsiro rwezvemutemo kuvaimbi munyika yose.

    Kudyidzana uku kune chinangwa chekugonesa vanogadzira nekupa rutsigiro rwunowanikwa munzvimbo dzakaita senhaurirano dzekondirakiti, kodzero dzepfuma yehungwaru, uye kugadzirisa gakava.

    Ichi chiratidzo chekuzvipira pamwe chete nekuchengetedza kodzero dzepfuma dzenyanzvi dzevanyori. Danho iri rinouya panguva yakakosha apo vose vari muboka iri vanotarisana nematambudziko ane chekuita nekushandiswa, kuhwerengedzwa nekudzokorora kushandisa zvakamboshanda, uye kushaikwa kwenzira yemutemo kuchengetedza basa ravo.

    Panguva yekubharabhadzwa kwechitsidzirano chetariro ichi, chamangwiza weNACZ, VaNapoleon Nyanhi, vakasimbisa kukosha kwekudyidzana uku kune vanyori muchikamu ichi.

    “Vatambi nevanyori vedu muZimbabwe vanofanirwa kuwana cheuviri chakafanira mumabasa avo. Vose vanobatwa zvehurondatsimba kana zvimwe zvibvumirano zvisina tsarukano izvo zvinovhiringidza yavo. Kuchengetedza nyaya yekudzivirira anamurondatsimba inoita kuti hunyanzvi, mimhanzi, uye dzimwewo nyaya dzinoumbiridza dzirambe dziri dzanamzvikokota vane zvipo,” vaNyanhi vakadaro.

    Vakaenderera mberi vachiti kuchengetedzwa kwemutemo kunokwezva vezvekudyara uye kukurudzira kuvandudzwa kwezvipande zvehuwandu kzvinosanganisira mafirimu, mimhanzi, zvinyorwa pamwechetewo nekuona.

    Vakati: “Tine rukudzo rwekubatana neDNM Attorneys. Boka iri rine humbowo hwakasimbiswa mumutemo weIP. Basa ravo repro-bono richava shanduko yevatambi vaimbove vasina kuwana rubatsiro munhau dzemutemo mubasa ravo.”

    Mumwe mukuru musangano reDNM Attorneys, VaMoses Nkomo vakatsinhira nezvechisungo cheboka iri mukutsigira chikamu chemitambo.

    “Ishuviro yedu huru kuona chikamu chakagadzikana uye chinounza pundutso kuvanyori vari pabasa ravo. Takazvipira kupa rubatsiro kuburikidza nekudzidziswa, kuvaka hunyanzvi, uye kupindira kwemitemo pamwewo nekubatsira vanyori vose kuti vachinzwisisa zvemitemo ine chekuita nemabasa avo,” vakadaro.

    Boka remagweta iri rine hurongwa hwekubatsira NACZ munyaya dzakasiyana-siyana dzinosanganisira National Intellectual Property Policy, kurwira matanho ekutyorwa kweIP, uye kutungamira vabati vemushando wemaoko ava mashandisirwo emari dzavanobata nekudzora kodzero dzavo nemazvo.

    Vakati: “Vose vanobata vari mubandiko iri vanofanira kunzwisisa kuti basa ravo rine kukosha kukuru uye rinoda kuchengetedzwa. Vanofanirwa kutsvaga mazano ekuvakiridzwa zviri pamutemo vasati vanyorerana pasi zvibvumirano uye vataure chero huipi kana kushandiswa zvisina mvumo kwezvavakagadzira.”

    Kudyidzana uku hakusi kwekungonyora bharabhadzo yebvumirano. Iri danho nderehushingi uye rinodzoreredza simba kune vose vari muindasitiri iyi.

    Latest articles

    ZACC raises alarm over mushrooming bonus Anti-Corruption groups

    Harare,  (New Ziana) – The Zimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) on Monday raised alarm over...

    ZIMRA Commended for Surpassing 2024 Revenue Targets

    Harare, (New Ziana) – The Zimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) has been applauded by a...

    Zimbabwe records decline in Malaria cases, but death toll rises sharply

    Harare, (New Ziana) –As Zimbabwe reaches the end of its peak malaria transmission season,...

    Forum held to promote cooperation between China, Central Asia news agencies

    ASTANA, (Xinhua) -- The China-Central Asia News Agency Forum was held Sunday in...

    More like this

    ZACC raises alarm over mushrooming bonus Anti-Corruption groups

    Harare,  (New Ziana) – The Zimbabwe Anti-Corruption Commission (ZACC) on Monday raised alarm over...

    ZIMRA Commended for Surpassing 2024 Revenue Targets

    Harare, (New Ziana) – The Zimbabwe Revenue Authority (ZIMRA) has been applauded by a...

    Zimbabwe records decline in Malaria cases, but death toll rises sharply

    Harare, (New Ziana) –As Zimbabwe reaches the end of its peak malaria transmission season,...