More
    HomeChaminukaNdiani akapisa imba yaTsvangirai?

    Ndiani akapisa imba yaTsvangirai?

    Published on

    spot_img

    NeMunyori WeChaminuka

    MARONDERA– Mapurisa emuMashonaland East ari pakati pekutsvaga munhu akaita moyo wakashata wekupisa imba yeimwe mhuri mudunhu raSabhuku Zhakata kwaSadza muHwedza munguva pfupi ichangodarika

    Mukubuda kwenyaya iyi kubva kuvachengetedzi vemutemo, zvinonzi Watson Tsvangirai uyo ane imba yakapiswa nemunhu asati azivikanwa ainge agara aine kakufurufushana kaaiita nevamwe vemhuri yake nekuda kwehukuru hwekuva sadunhu munharaunda iyi. Fungidziro iripo ndeyekuti nyakupisa imba uyu angave mumwe wevamwe vari kukambira hukuru hwekutonga sematamba munzvimbo iyi.

    Kakukavadzana kekuda hukuru mumhuri iyi kunonzi kwakatanga kuitika mugore ra2013.

    Mutauriri wemapurisa muMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi, vakadudzira nyaya yekupiswa kwemba yaTsvangirai vakaenderera mberi vachiti hukoshwa hwezvinhu zvakatsakatika mushure mekutungidzwa kweimba yehuswa iyi hunosvika kuzviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe ane makumi manomwe nemaviri emadhora ekuUnited States of America (US$3 972).

    Inspector Chazovachiyi vakati: “Ndinotsinhira kuti nyaya yechiitiko ichi yakaitika uye yakamhan’arwa kumapurisa. Mashoko atakatambira anoti iwo nemusi wa20 Ndira gore rino uye panguva dzetanhatu manheru, Watson Tsvangirai akaenda kurufu kunochema nevamwe munharaunda inonzi Chirasata kwaSadza akasiya mudzimai wake Eurita Magauri (ane makore makumi mashanu nemanomwe) pamba uye zvinhu zvose zviri mugwara.

    “Muzuva rakatevera, uye panguva iyo mudzimai waTsvangirai ainge avete nezvizukuru zviviri, mupari wemhosva asiri kuzivikanwa akabva angonotungidza imba iyi. Muimba iyi ndimo maichengeterwa zvinhu zvizhinji zvinokosha uye fungidziro iri pakuti nyakutungidza gwenya aive nechinangwa sezvo angangodaro aiziva chimiro nemagariro aTsvangirai. Sezvineiwo, pakapiswa imba iyi, mudzimai waTsvangirai akakwanisa kununura zvizukuru kubva muzhenje remoto uye akazodana vavakidzani vake – Margret Gwara naAnna Banda – kuti vamubatsire kudzimura rimi iri.”

    Zvinhu zvakatsakatika pakapiswa imba yaTsvangirai zvinosanganisira masaga makumi mapfumbamwe egorosi aive nehuremu hwemakirogiramu makumi mashanu rimwechete (50kg), masaga efotereza gumi nemaviri ehuremu humwe chete, chimudhudhudhu cherudzi rweATA, bhasikoro, chitofu chinoshanda nemweya wekufembedza, mudziyo wekuchengetera nhumbi uye mari inosvika kumadhora makumi mashanu ane mashanu ekuUnited States of America (US$55).

    Mushure mekunge chiitiko chinosuruvadza ichi chaitika, nyaya yakamhan’arwa kumapurisa uye vemutemo pavakaenda panzvimbo iyi, hapana humbowo hunobatika hwavakaona panguva yacho.

    Latest articles

    President Mnangagwa commends progress since introduction of performance contracts

    Harare, (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa on Monday lauded the significant progress made...

    Mhona scoops best performing Minister award

    Harare, (New Ziana) - Transport and Infrastructure Development Minister Felix Mhona has been judged...

    Zimbabwe Cricket Set for Thrilling Domestic T20 Tournament

    Harare, (New Ziana) - Zimbabwe's top provincial cricket teams are gearing up for a...

    Zimbabwe’s Power Sector Faces Challenges Amid Efforts to Boost Supply Garage

    Harare, (New Ziana) – Zimbabwe’s electricity sector continues to grapple with challenges, with the...

    More like this

    President Mnangagwa commends progress since introduction of performance contracts

    Harare, (New Ziana) – President Emmerson Mnangagwa on Monday lauded the significant progress made...

    Mhona scoops best performing Minister award

    Harare, (New Ziana) - Transport and Infrastructure Development Minister Felix Mhona has been judged...

    Zimbabwe Cricket Set for Thrilling Domestic T20 Tournament

    Harare, (New Ziana) - Zimbabwe's top provincial cricket teams are gearing up for a...