LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

‘Ngative vatariri vehupfumi hwedu’

Share

MUTUNGAMIRI wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati mukuvandudzwa
kwenyika nezvicherwa zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanira kuva vatariri vehupfumi
apo pahunenge huchicherwa.

Vachitaura pagungano ranga rakaungana paBikita Minerals apo vaivhura chivakwa
chitsva cheSpodumene nePetallite vakati varidzi vezvicherwa munharaunda
vanofanira kuwana pundutso kubva mazviri kudarika varikuchera.

Hurumende pasi pehutungamiriri hwaVaMnangagwa yakamisa zviga zvekuti
hupfumi hwese hunocherwa hunofanira kuvandudzirwa muno kuzama kudzora
kuburitswa kwezvicherwa zvichiendwa nazvo kunze kwenyika.

“Isu vemuZimbabwe hatina kukotsira tinoziva kuti zvicherwa zvedu izvi zvinobatsira
dzimwe nyika dzisina zvicherwa izvozvo saka isu pazvinenge zvabva ngatiwane
musuva mukuru. Ngative varidzi nevataririri vehufumi hwedu pahunenge
huchicherwa maziso edu nendangariro ngazvivepo kuti vashandira ani zvakawanda
kudarika ashandira umwe.”

“Patinenge tichichera izvi tanga takazvigarira kwemakore zvino kwazouya vanoziva
kuti zvinocherwa saka takavati cherai asi vachichera toonekwa kuti varidzi vazvo
vawana pakuru pane avo vanochera.”

Vakati kwemakore mazhinji vanochera vaingoita pamadiro vachiti mavhu ivo
vachitobuda nehupfumi kune dzimwe nyika, asi vagari vachisirwa makomba
angocherwa.”

Vakati vagari vemunyika vanofanira kuva ivo vanowana musuva mukuru
pazvicherwa zvinonge zvabva muvhu ravo.

“Kare taingorega vachichera voti tatakura mavhu kuendesa kwavo tikati bodo pesvai
mavhu iwawa tinoone zvinoshanda zvinobva muvhu takatarira tikaisa mutemo
uwoyo, saka nhasi uno seHurumende tinofana kuona zvakaperera kuvandudzwa
kwehupfumi hwedu.”

VaMnangagwa vakatenda veSinomine Resource Group vekuChina nemabasa
ekusimudzira upenyu hwevagari vemuBikita nenzvimbo dzakapoteredza.

“Pamakore zana apfuura, vanhu vaingouya pano vodya vodya voenda vamwe vouya
vaodya voenda vachisiya makomba asi idzi shamwari dzedu idzi havasi kungochera
chete asi varikutita mabasa okusimudzira nharaunda. Hapana chatinonongedza
nhasi chakasiiwa pamakore zana apfuura neveBritain.”

“Ndinokorokotedza Bikita Minerals neSinomine Resource Group nemabasa makuru
avarikuita munyika medu. Ndinokurudzira mamwe makambani kuti vaise mari

mumabasa akaita seawa ekusimudza upfumi hwedu uye kusimudzira hwupenyu
hwevanhu vemunyika yedu, Zimbabwe.”

Vakakurudzira vagari kuti kunyangwe tiine upfumi huri pasi hwatinenge tichida kuti
hubude hubatsire nyika pane chivanhu chedu chinofana kuteverwa.

Vakati vanenge vachizoita mabasa aya ngavachengete chivanhu kwavanenge
vaudzwa kuti chiriko.