LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Nguva yekurasira marara pasi yapfuura

Share

TSIKA yokurasira marara pese pese nekuda kwekushaikwa pokumaisa, uye nekuda
kwechijairira yakuzosvika mukupera sezvo kanzura yakapiwa mabhini ekuchenesa
guta.
Muvhiki rapfuura kambani huru inoita nezvekutengeswa kwesimbi dzemotokari
yeKopje Spares Distributors (KSPD) muchikamu chavo chokudzorera kunharaunda
(Corporate Social Responsibility) vakapa kanzuru yeMasvingo City Council mabhini
anokwa makumi matatu (30).
Dambudziko remarara inhau yanetsa mumaguta mazhinji sezvo vanhu vavakuita
chijairira chokurasira marara pese pese dzimwe nguva nechikonzero chekusafamba
nenguva kwemotokari dzemarara.
Achitaura pakutambidza mabhini aya, Marketing Officer weKSPD, Liberty Maziti,
akati vauya nechipo ichi kukanzuru nekuti nharaunda yakachena inoita kuti
vashandidzike nevatengi vavo vave nehutano.
“Tinoita chirongwa chekudzorera kunharaunda dzatiri mumwedzi waMbudzi wega
wega. Tinopa kudzimba dzinochengeta nherera asi taona zvakafanira kusana kuuya
nechipo chiduku tichidzoka muMasvingo kuti tikurudzire nharaunda yakachena.
“Nharaunda yakachena inoita kuti mutengi wedu ange aine utano uye kuti vanhu
vashandire pakachena.”
Dunhu reMasvingo panguva ino ririkurwa kudzivirira kupararira kwechirwere
checholera.
Mukuru wezveutano kukanzuru yeMasvingo, Suzanne Madamombe, vakatenda
kamabani iyi vakati varikubetsera kuvandutsa utsanana muguta zvichienderana
nezviga zve World Health Organisation (WHO).
“Ibasa redu rekunge tichiisa mabhini kuvagari vedu nekune vanofamba munzira
dzedu dzemuguta saka chipo ichi chawedzera kumabhini atinofanira kuva nawo.
“WHO inotaura kuti panofanira kuva nemamita makumi mashanu kusvika pazana
pakati pebhini roga roga.
“Kuwanda kwekwekurasira marara kunoita kuti marara pasi aite mashoma nekuti
mufambo pakati pebhini rimwe nerimwe unenge wava mashoma, uyezve kune
vamwe vaya vanonetseka nekubata marara kwenhanho refu saka vanenge vowana
pekurasira.”
Vakati mukudzivirira kuraswa kwemarara kanzuru yava nenzira dzakawanda
dzekubetsera vagari dzinosanganisira kuripa kana wawonekwa uchityora mutemo
uyu.