LOADING

Type to search

Masvingo Star Provincial Newspapers

Nguva yesarudzo yakapera

Share

MAMBO Fortune Charumbira vakakurudzira vanhu vemunzvimbo mavo kuti
vachibatane vaenderere mberi nekuvaka nzvimbo yavo vachisiyana nanhau
dzesarudzo dzakato pfuura.
Mambo Charumbira vakati vanhu ngavachibuda mupfungwa dzemakwikwi
vachibatana sevana vamwe vemunzvimbo yekwaCharumbira sezvinositaurwa
nemukuru wenyika kuti Nyika inovakwa nevene vayo. Vakati Charumbira inovakwa
nevana vekwaCharumbira.
“Chikamu chatava ndechekuti dzakapera tava vanhu vamwe. Takatopedza
zvesarudzo tatova kutoshanda.
Ukaona wakutaura nyaya dzesarudzo semadeko makatovata zvakapfuura
takutotaura zvekuvata zvamangwana ndozvakafanana nesarudzo.
Sarudzo dzakapera, ngatipakoshese ipapo. Musaswera muchivengana muchitaura
zvesarudzo yakapera. Ndoda kudzokorora ipapo nekuti vamwe vanokanganisa
ipapo.”
Mambo Charumbira vakati kana sarudzo dzapera, chasara ndechekuti vanhu
vachitaura nhau dzebudiriro kwete kuramba vakasungira zvinhu zvakapera vamwe
zvavakange vasiri kutokwikwidza nazvo.
“Ukaenda kukereke neSvondo kana neMugovera mopinda Kereke vamwe vobuda
iwe wosara ugere.
“Vakuru vesangano vese vabuda iwe wosara wakagara ndozvakafanana nesarudzo
kana yapera, yapera. Woramba uchingova mumakwikwi. Nani? Vakakwikwidza
vakatobuda zvakapera saka makwikwi awasara nawo ndeapi?
“Saka takuda kubatana, zvekuti tiende mberi takabatana vana vemuno
maCharumbira, tishaine nokubatana nekusevenza takabatana.”

Next Up