LOADING

Type to search

Provincial Newspapers Telegraph

Nhaka inodyiwa nevene vayo

Share

CHINHOYI – PFUMA yenhaka ikasarongerwa zvine mwero inoparadza ukama.
Mashoko makukutu aya akataurwa akajekeswa kugurungwandira revanhu vainge
vakaunganira kunzwa mashoko aiparurwa neve kuhofisi yemufakazi wedare
repamusoro reHigh Court inonzi muchirungu Master of High Court Office.

Hofisi iyi yakaiswa nebumbiro renyika kuburikidza nechikamu chechitatu
chezvinoenderena nepfuma yenhaka pabandiko rechitanhatu pokutanga (Section 3 of
the Administration of Estates Act, Chapter 6:01).

Vashandi vemuhofisi iyi vaitenderera vachizivisa vanhu basa ravanoita nekubatsira
nekuyananisa hama dzasiirwa pfuma nemushakabvu.

Panofa munhu kazhinji vapenyu vasiwa nehama yavo vanosara vachiita bata mupfupi
bata murefu kurwira zvaiva nemufi asi, chokwadi ndechekuti nhaka inodyiwa nevene
vayo.

Vachitaura neTelegraph mutevedzeri weMufakazi mukuru weHigh Court anonzi
muchirungu Deputy Master of High Court, Kumbirai Chigomararwa, akatenda vanhu
vakavapa nzeve pachirongwa chavo vachiti zvichabatsira kusvitsa shoko kune
veruzhinji.

Chigomararwa akaenderera mberi vachiti vanhu vanofanira kushanyira hofisi yavo kana
vashaikirwa kuti vabetsereke.

Vakatizve hofisi yavo yakasununguka kunzwa nhunha dzevanhu nokuvayananisa
maererano nemirawo yenyika ino.

Veruzhinji vakakwanisa kutaura neTelegraph zuva raishambadza hofisi iyi mabasa ayo
vakati vaisaziva kuti hofisi yakadai yaivemowo mudhorobha reChinhoyi.
Mavis Madzvimbo akati akatoshamisika kunzwa nezve mabasa anoitwa nehofisi iyi, uye
kuti yaive muChinhoyi.

Akapa muenzaniso achiti imwe mhuri yaakavakidzana nayo iri kushungurudzana
vachiendesana kwaMambo Magonde vachinetserana pfuma yakasiiwa nababa vavo asi
pasina chinemusoro chirikubuda.

Imwe shirikadzi isina kuda kudomwa nezita yakati mashandiro anoitwa kuHigh Court
anooresa moyo, vachiti nyaya yavo yavanemakore anodarika maviri isiri kupera.
Amai ava vakashaikirwa nemurume wavo, aive akamboroora pakutanga asi akazovaka
imba pamwe chete naAmai ava, chinetso chavepo hama dzemurume uyu dzakaramwa
mbatya dzemushakabvu nenyaya yekuda imba dzichiti ndeye hama yavo.

Maererano nemitemo yechivanhu vanhu vanokoshesa kugovewa kwenhumbi
dzemushakabvu asi zvinhu zvakaita semidziyo kana midhuri zvinogona kukonzera
bongozozo.