NaHilda Tanga
MARONDERA– Munguva pfupi ichangodarika, mapurisa emuMashonaland East akasunga mumwe murume anobva mubhuku raSabhuku Nyamutumbu riri pasi pehutongi hwaMambo Mangwende kwaMurehwa nemhosva yekubata hama yake chibharo.
Mutauriri wemapurisa muMashonaland East, Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira nyaya iyi.
Nyakupomerwa kupara mhosva iyi ane makore makumi matatu nerimwe ekuberekwa.
Zvinonzi izvo mhosva iyi yakaparwa mukupera kwegore rakapera panguva dzegumi mahusiku apo mukadzi wekubatwa chibharo (ane makore makumi maviri nerimwe) akasiiwa natete vake pamusha nemwana wavo uye nemurume watete vachienda kuBindura kwavainoona amai vavo vairwara.
Mupomerwi wemhosva uyu anonzi akakumbira bonde kumuzukuru wake asi akarambirwa. Akazoramba akabatwa nemufungo iwoyo ndokutevera kuimba kwainge kwakarara mumhan’ari akanomumbunyikidza ndokumubata chibharo.
Mushure mekupara mhosva iyi, horomori iyi yakatyisidzira mumhan’ari kuti yaizomuuraya kana akaudza vanhu nezvenyaya iyi.
Nemusi wa20 mumwedzi wakapera gore rino, nyakubatwa chibharo anonzi akazoudza murume wake nezvechiitiko ichi akazoperekedzwa kunomhan’ara kumapurisa musi wa3 mwedzi uno.
“Mapurisa epaMusami akanoongorora nzvimbo, mupomerwi wemhosva akasungwa. Nyakubatwa chibharo ekaendeswa kuchipatara cheSt. Pauls Musami Mission uko akanoongororwa nekurapwa.
“Semapurisa, tiri kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi nechinangwa chekuti tive nehumbowo huzere hungave huine chekuita pamusoro penyaya iyi,” Inspector Chazovachiyi vakadaro.
Mune imwewo nyaya, mapurisa ekuMutawatawa akatambirawo nyaya yakada kufanana neiyi, iyo inonzi yakaitika nemusi wa24 Kukadzi panguva dzehusiku kudunhu raSabhuku Purazi riri pasi pehutongi hwaMambo Chitsungo kuPfungwe.
Inspector Simon Chazovachiyi vakakurudzira veruzhinji kuti vange vachichengetedza vanasikana kuti vasasangane netsekwende dzakadai mukurarama.
“Tinokurudzira vabereki kuti vacherechedze magariro evanasikana nekuda kwenyaya yekubatwa chibharo kwevanhukadzi. Vanhu vanofanira kuchenjera maringe nenyaya dzekuparwa kwemhosva dzemhando iyi uye ngavasanyanyovimbe nehunhu hwevanhu vose, dzingave hama, shamwari kana vavakidzani.
“Nyaya idzi dzinofanirwa kukasira kumhan’arwa kumapurisa kuitira kuti vanenge vabatwa chibharo vabatsirwe paine nguva kuitira kudzivirira mimba dzingangobata zvisina kurongwa kana zvirwere zvepabonde zvingangotapuriranwa,” Inspector Chazovachiyi vakadaro.