LOADING

Type to search

Agriculture Chaminuka Provincial Newspapers

Pane fungidziro yokushomeka kwemvura mumwaka wa2023/24

Share

SHONA –Maererano nezvakatanga kubuda pamamiriro okunze, munyika yeZIMBABWE munotarisira
kunaya mvura inotarisirwa kana iri pasi peuwandu hunodiwa, paine dzimwe nzvimbo dziri
mumatunhu eMidlands neMatabeleland dzichanaya mvura shoma pane inotarisirwa panotanga
mwaka wekudyara wa2023/24

Mumashoko akaturwa neBazi rinoona nezveNharaunda, Mamiriro Okunze, Kushanyirwa Pamwe
noKubatwa Zvakanaka kweVashanyi, rakati nzvimbo zhinji dzeMatabeleland North, dzimwe
nzvimbo dzeMidlands dzinosanganisira matunhu madiki eGokwe North neSouth, matunhu madiki
edunhu reMatabeleland South kusvika kuBulilima kuchanaya mvura iri pasi peuwandu hunodiwa
mumwaka unobata mwedzi waGumiguru,Mbudzi naZvita.

Kubva mumwedzi waGumiguru kusvika muna Kurume ndipo panotarisirwa kunaya mvura
yakawanda munzvimbo zhinji dzenyika.

Bazi rinoona nezveMamiriro Okunze (MSD) rakapa mashoko aya paNational Climate Outlook Forum
(NACOF), pagungano irovose vane chokuita nezvemamiriro okunze vanokurukura zvinogona
kukonzerwa nefungidziro yemamiriro ekunze akadai vakanangana nokuita gadziriro
yezvavanozosangana nazvo.

Mamiriro emwaka unotanga muna Gumiguru 2023 kusvika Kurume 2024 ndeekuti kubva mumwedzi
waGumiguru kusvika Zvita (OND) 2023, pachave nemikana yakakura yokuwana mvura inotarisirwa
ichizoderera zvayo kwemvura munzvimbo zhinji dzenyika kunze kwechikamu chikuru
cheMatabeleland North, zvikamu zveDunhu reBulawayo, Midlands neMashonaland West izvo
zvinofungidzirwa kunaya mvura iripasi peinotarisirwa..

Mwaka wekunaya kwemvura uyu wakakamurwa kuita zvikamu zvina zvidiki zvinoti: Gumiguru
kusvika Zvita (OND) 2023, Mbudzi kusvika Ndira (NDJ) 2023/24, Zvita kusvika Kukadzi (DJF) 2023/24
uye Ndira kusvika Kurume 2024 (JFM) mwero weuwandu hwemanairo emvura hunobuda
pamubatanidzwa wenharaunda yakasarudzika. Fungdziro iyi inofanirwa kushandiswa pamwe chete
nezvicharamba zvichiburitswa mumamiriro okunze pazuva roga roga , mumazuva matatu uye
mumazuva gumi. .

Fungidziro iyi, yakabva kune zvakaonekwa nenyanzvi dzesainzi gwaro iri rakati dzezvemamiriro
okunze dzinova dzakacherechedza mamiriro enyanza nemhepo zvine chokuita nemamiriro okunze
muZimbabwe, kusanganisira El Niño-Southern Oscillation (ENSO), iyo iri muchikamu cheEl Niño.

ENSO inofungidzirwa kuramba iri muchikamu cheEl Niño munguva yemamiriro okunze ari
kufungidzirwa aya.

Kune zvakare mukana wakakura wekuve neIndian Ocean Dipole (IOD) pakupera kwaKurume 2024.

Mvura inotarisirwa zvinoreva mwero wemvura inonaya pachitariswa mwero wepakati nepakati
wemvura inonaya munzvimbo kwenguva refu, mvura inotarisirwa kusvika kumvura iri pazasi-
peyakajairika uye mvura inotarisirwa kana kupfuura inotarisirwa imvura inowanikwa mumwero
wenguva yakareba paine mukana wokupfuura mwero uyu.

Mvura yakapfuura mwero unotarisirwa zvinoreva kunaya kwemvura iri pamusoro pemwero
wepakati nepakati wenguva refu uye iri pasi pemwero unotarisirwa imvura iri pasi pemwero
wepakati nepakati paine mukana wokuva mukati memwero wepakati nepakati wenguva refu.

“Fungidziro iyi ndeyehuwandu hwekunaya kwemvura mumwaka. Zvisinei, manairo emvura anogona
kupota achiderera munzvimbo nenguva. Zvingave nehungwaru kuisa matanho mukutanga kwegore
ekudyara makore okubetseredza kunaya kwemvura panenge mwaka uchitarisirwa kusanaya
zvakanaka kwemvura munyika yose.

Avo vane zvigonero zvamadiridziro havafaniri kumirira kuti mvura inaye. Vanogona kudyara chero
nguva yakafanira kubva zvino, vachicherechedza mudziira unodiwa pakumera kwembesa
sezvinorairidzwa neAGRITEX,” chakasimbisa chikamu chechinyorwa.

“Madutu ane mhepomupengo, kusanaya kwemvura kwenguva refu, mafashamo nemadutupengo
haarambirwe apo mwaka unenge uchifambira mberi saka panoda kusimbaradzwa zvirongwa
zvekukohwa mvura pamwe nekuichengetedza. Kuvakwa kwemadhamu nekuchera/kuwedzera
hudzamu hwezvibhorani kuchengetedza nekudzivirirwa kwematoro zvinofanira kuenderera mberi.

“Mabasa ekurima akadai sekudyara nekuisa feteraiza anofanirwa kutungamirwa nemamiriro ekunze
anopiwa mufungidziro dzemazuva gumi pamwe nemazano anobva kune vanoziva nezvekurima.”

Mamiriro ekunze omusi umwe noumwe neruzivo rwemamiriro ekunze rwakakosha kumapazi ose
mukusimudzira magariro nehupfumi, kunyanya sezvo nyika iri kushandira kuti isvike padanho
renyika repamusoro nepakati nepakati pahupfumi panosvika gore ra2030.

Nyaya iyi yakaturikirwa Kubva kuChiRungu kuenda kuChiShona neMidlands State University National
Language Institute.

Next Up