More
    HomeMasvingo StarShandisai masaisai kufambisa basa reHurumende’

    Shandisai masaisai kufambisa basa reHurumende’

    Published on

    spot_img

    MAKURUKOTA eHurumende nevashandi vemakanzuru vakakurudzirwa kuti
    vashandise maradio aripo mudunhu reMasvingo kufambisa nhau dzepundutso
    kuvanhu.

    Achitaura pagungano rekupemberera redhiyo Gurukota reHurumende
    revukavandudzwa kwemuguta reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vakati makanzuru
    nevamiriri evematunhu muParamende vanofanira kutaura kushandiswa kwemari
    dzavachapiwa.

    “Kune vabati veHurumende, makanzuru nemamwe mapazi eHurumende
    ndinovaraira kuti vashandise redhiyo dziri mudunhu redu apo tinofambisa nhau
    dzeHurumende kuvanhu vedu.”

    “Patinoripedza gore ndinoda kunzwa makunzuru achitaura nezvemabhajeti avo
    paredhiyo nevamiririri venharaunda dzakasiyana signature muParamende
    vachitaura mashandisiro avachazoita mari dzavo dzematunhu (Constituency
    Development Fund) pamaredhiyo.”

    Chadzamira akati hofisi yake irikuwana rutsigiro rwakasimba kubva kuredhiyo apo
    varikupihwa mukana kuti vataure pamusoro pemabasa eHurumende arikuitwa
    mudunhu reMasvingo.

    “Ini ndinoenda wani paredhiyo. Ndichateerera redhiyo dzemuno muprovince saka
    vanenge vasingaendi kunotaura nevanhu ndichavadana ndigonzwa kuti
    vanovanzeyi.”

    Masvingo ine maredhiyo mana ayo anoshanda kusimudzirana upenyu hwevagari
    anoti Great Zimbabwe University Campus Radio, Hevoi FM, Auxeni FM ne Wezhira
    Community Radio.

    Latest articles

    Warrant of arrest for Gwanda man who killed wife for denying his conjugal rights

    Bulawayo, (New Ziana)-The Bulawayo High Court has issued a warrant of arrest for a...

    Parliament pushes for decentralization of cancer treatment

    Harare,  (New Ziana)-The Parliamentary Portfolio Committee on Health and Child Care has called for...

    Bulawayo to take hard stance on stray dogs

    Bulawayo, February 14,2025(New Ziana)- The Bulawayo City Council (BCC) has issued a stern warning...

    No longer business as usual: Improved feeds transforming livestock production in Zimbabwe

    By Johnson Siamachira Harare, (New Ziana) — At dawn, the sun casts its first golden...

    More like this