More
    HomeChaminukaTIMB yorwisa kusvibiswa kwenharaunda

    TIMB yorwisa kusvibiswa kwenharaunda

    Published on

    spot_img

    Na: Garikai Chikuvira

    Bhodi reTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) rakatungamira indasitiri yose yechikohwa chefodya mukurwira chikonzero chakakura kupfuura fodya pachayo: kurwisa kusvibiswa neplastic.

    Mukucherechedza Zuva reNyika reKuchengetedzwa Kwenzvimbo (World Environment Day) rakapembererwa musi wa 5 Chikumi, rine dingindira rinoti “Kupedza Kusvibiswa nePlastic,” TIMB yakasimbisa kuzvipira kwayo mukurima kwakasimukira kwefodya nekukumbira varimi nevamwe vari muindasitiri kuti vatore nyaya yekurasa marara eplastic zvine hungwaru – kutanga nekuona zvakanaka mashandisirwo kwemarara anobva mumidziyo yemakemikari.

    Nguva yekuzivisa izvi haina kuitika netsaona. Kurima fodya muZimbabwe kunoshandisa zvin-hu zvakawanda zveplastic mwaka wega wega, kubva mumabhodhoro eCPA (Chemical Plant Protection Agents), mabhagidhi efetereza, kusvika kuma trays ekudyara mbeu. Zvinhu izvi zvakakosha mukurima kwemazuva ano, asi kana zvikaraswa zvisina kurongeka, zvinova tsvina inokuvadza zvikuru.

    “Kusvibiswa neplastic ihosha yakanyarara inotanga muminda yedu ichipinda mumvura, muzvokudya, uye mumisha medu,” akadaro Emmanuel Matsvaire, mutungamiri (CEO) weTIMB.

    “Kushuvira kwedu kuindasitiri yakasimba yefodya kunofanirwa kusanganisira kuraswa kwakanaka kweplastic yese, kunyanya midziyo yeCPA inotyisa,” akaenderera mberi.

    Mutemo weTIMB we Agricultural Labour Practices (ALP) Code, wakaburitswa kuti utungamire kurima kwefodya kwakasimba uye kwakatendeka, unomanikidza kuti mabhodhoro asina chinhu kana asina kushandiswa eCPA nemakemikari asisina basa araswe zvinoenderana nemirairo yemugadziri.

    Kushandisazve mabhodhoro aya kuchengetera mvura, chikafu kana kudyisa zvipfuyo kunorambidzwa zvachose sezvo zvichiisa hupenyu hwevanhu nezvipfuyo panjodzi huru.

    Murayiro uyu hauzi mutemo chete, asi mutsetse wehupenyu kumaruwa.

    MuZimbabwe, zvinofungidzirwa kuti 15% yekufa kwezvipfuyo uye huwandu hwakakura hwekurwara kwevana munzvimbo dzemapurazi zvakatokanganiswa nekusiiwa kwakasarudzi-ka kwezvinhu zvine makemikari ane ngozi.

    Kuti vavhare mukaha uripo pakati pemitemo nechiitiko, TIMB yatumira sustainability officers mumatunhu mana ose anorima fodya. Vashandi ava vari pamberi perwendo urwu, vachidzi-dzisa varimi, vachiongorora maitiro uye vachiona kuti indasitiri yefodya inoenderana ne Envi-ronmental, Social and Governance (ESG) standards.

    Muenzaniso unoshanda wehutungamiri muindasitiri uri kuoneka mu Voluntary Container Man-agement System (CMS) iri kutungamirirwa nekambani yeCurverid Tobacco pamwe nekambani inobata marara, WasteMate.

    Mumakore matatu apfuura, chirongwa ichi chakasanganisa varimi vadiki vanopfuura 30,000, chakadzorera anoda kusvika 100,000 mabhodhoro nepasheti dzeCPA, chakasvika pamusoro pe90% mukugadzirisa zvinhu zvine ngozi, uye chakakwanisa kudzokorora 80% yemarara eplastic.

    Chirongwa ichi chinosanganisira kugeza katatu mabhodhoro, kuchengetera zvakanaka, nzvim-bo dzekuunganidzira nemunharaunda, uye kudzokorodza kwekupedzisira. Izvi hazvichenget-edze nharaunda chete, asiwo zvinobatsira mukugadzira mabasa matsva uye hupenyu hwakachengeteka kumaruwa.

    Zvakadaro, varimi 12,000 chete ndivo vari kutora chikamu pari zvino. Sezvo chikamu cheku-bika mbeu chakatanga, TIMB iri kukumbira makontrakta ose efodya pamwe nevanorima vega kuti vatange masisitimu akafanana eCMS uye vabatsire mukusvitsa zvinangwa zveZimbabwe pasi pe Tobacco Value Chain Transformation Plan uye National Development Strategy 1 (NDS1).

    TIMB inoyeuchidza vatori vechikamu vose kuti kirogiramu yega yega inotengeswa inofanira kuratidza kwete mhando chete uye goho, asiwo kugara kwakanaka uye mutoro weruzivo.

    “Pazuva rino reWorld Environment Day, ngatisarambe tichingorima chete, ngatichengetedzei-wo,” akadaro Matsvaire.
    “Chengetedza ivhu redu. Chengetedza zvipfuyo zvedu. Chengetedza mvura yedu. Ramangwa-na reindasitiri yedu riri muzvatingaita nemarara edu nhasi.”

    Latest articles

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...

    New Development Bank of BRICS: driver of growth for Global South countries

    In 2025 the NDB marked its 10th anniversary. Throughout this time, being essentially the...

    More like this

    President Calls for Content that Reflects Community Hopes

    Bulawayo, (New Ziana)-President Emmerson Mnangagwa has implored the nation to leverage on available communication...

    Churches partner gvt in HIV fight

    Harare, (New Ziana) - Religious leaders have pledged stronger support for the Prevention of...

    Prof Mthuli defends new VAT rate, announces revision of gold royalty proposal

    Harare, (New Ziana)- Finance, Economic Development and Investment Promotion Minister, Prof. Mthuli Ncube has...
    error: Content is protected !!